Alicia Rhoda Mufundisi otevera matsimba ababa

23 Oct, 2023 - 11:10 0 Views
Alicia Rhoda Mufundisi otevera matsimba ababa Alicia Rhoda Mufundisi (pakati) mushure mekuhwinha menduru kuSouth Africa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wekarate wechidiki ari kusimukira – Alicia Rhoda Mufundisi – anoti zvakakosha kuti veruzhinji vasimudzire matarenda evanasikana vari mune zvemitambo yakasiyana.

Alicia, uyo ane makore 14 ekuberekwa, mumwe wevatambi vekarate vanotaridza kuti vane tarenda izvo zvamuona achihwina menderu nhanhatu dzegoridhe, nhatu dzesirivha nembiri dzebhuronzi.

Masvondo adarika, akaenda nechikwata cheTeam Zimbabwe kuSouth Africa kumutambo weIKO Nakamura South Africa Classic 2023 uko akahwina menduru yesirivha.

Aka kaive kechipiri achienda kunokwikwidza kumutambo uyu uko akamboenda mugore ra2022. Muhurukuro, Alicia anoti vanasikana dzimwe nguva vanotarisirwa pasi mune zvemitambo asi ivo vachigona kusvika padanho rinosvikwawo nevanakomana mumitambo mimwe chetewo iyi.

Anoti yasvika nguva yekuti vanasikana varemekedzwe uye vawaniswe mikana yakaenzana neinopihwa vanakomana mune zvemitambo.

“Semwanasikana ari mune zvemitambo, ndinoshuvira kuti dai tasimudzirwawo nekuti isu chakatikoshera kusimudzira mureza wenyika yedu kwese kwatinenge tichifamba.

“Ini ndinonzwa kudada pese pandinoenda kunze kwenyika ndichikwikwidza kumitambo yakasiyana yekarate nekuti ndinenge ndichiziva kuti ndiri kusimudzira mureza wenyika yangu.

“Saka ndiri kuchema kune masangano akasiyana kuti apindire adire mari mumitambo yemadzimai igosimukira, anodaro. Alicia akazvarirwa mumhuri yakarate sezvo baba vake, Shihan Tawanda Mufundisi, vari mutungamiri wesangano reZimbabwe Karate Union.

Hanzvadzi yake, Jean-Claude Mufundisi, inyanzvi yekarate iyo yakakwanisa kuhwina menduru sere dzegoridhe, ina dzesirivha nedzimwe dzebhuronzi.

“Ini ndakazvarirwa mumhuri yekarate izvo zvakatanga nababa vangu Shihan Tawanda Mufundisi nehanzvadzi yangu Jean-Claude Mufundisi. Ndakatanga kutamba mutambo uyu ndine makore mashanu ekuberekwa saka pandasvika iye zvino nekarate kuburikidza kwerutsigiro runobva kunababa vangu nehanzvadzi yangu,” anodaro Alicia.

Pari zvino Alicia akwidziridzwa kusvika muboka reFirst Dan Blackbelt umo anotamba mhando yekarate yeIKON Kyokushinkaikan.Anoti anoshuvira kuenda kunokwikwidza kunyika dzakaita seJapan neRussia.

“Mune remangwana, ndinoshuviria zvikuru kuzoenda kunokwikwidza kumitambo mikuru yekarate inotambirwa kuRussia nekuJapan uko kunove kumuzinda wekarate.

“Mukabvunza mutambi wese wekarate anokuudzai kuti anoda kuenda kunokwikwidza kuRussia kana kuJapan, saka iniwo ndiko ndinoda kuenda kuzonokwikwidzawo mune remangwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey