Uncategorized

Anopindira musikana nepahwindo

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
MURUME wekurambwa nemukadzi uyo ari kudzidzira kuve mukoti ari kupomerwa kupinda mumba yaanogara kuParirenyatwa Group of Hospitals, muHarare, nepahwindo achiba zvinhu zvakasiyana, kusanganisira zvaakamutengera panguva yavakange vachafambidzana.

Stella Madondo akamhan’arira Fungai Samuriwo kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza achiramba kurambwa.

Akaudza mutongi wedare, Gamuchirai Siwardi, kuti: “Mambo wangu, ndaoneswa ndondo nemurume uyu. Takadanana ndikazomuramba asi iye ave kuramba kurambwa. Anouya kuflat kwandinogara achipinda nepahwindo ndisipo, kuParirenyatwa, achitora mabhuku nemayunifomu angu ebasa.”

Madondo akaenderera mberi achiti ave kutotadza kuita zvedzidzo nekuda kwezviito zvaSamuriwo.

“Zviito zvemurume uyu zvave kutonditadzisa kuti ndiite zvechikoro.

‘‘Anonditumira mameseji nguva dzehusiku kana masikati achindityisidzira izvo zviri kuita kuti nditadze kuita zvechikoro. Saka ndinokumbirawo kuti dare rimudzivise kuita izvi.

“Zvose zvinhu zvaakanditengera nguva yataisasana akauya akazvitora, handichina kana chinhu chandinoti ndechake,” akadaro Madondo.

Samuriwo haana kuuya kudare kuti apewo divi rake.

Mutongi Siwardi akapa Madondo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey