Apondera mukadzi kondomu rakashanda

27 Aug, 2022 - 08:08 0 Views
Apondera mukadzi kondomu rakashanda Banga

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuBulawayo wekuita mahwekwe nekondomu rakashandiswa riri mu’handbag’ yemudzimai wake, amiswa mudare redzimhosva achipomerwa mhosva yekumuponda mushure mekumubaya nebanga katatu.

Mgcini Lunga (30) amiswa pamberi pemutongi wedare reWestern Commonage Courts, VaShepherd Mjanja achitarisana nemhosva yekuponda. Haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi.

Zvinonzi Lunga akasiya mudzimai wake, Fiona Moyo, ndokuenda kuPlumtree. Akaudza Moyo kuti aizodzoka mushure mevhiki asi kwapera mazuva maviri, akabva asandura hurongwa hwake ndokudzokera kumba.

Akasvika kumba kwatove kuma7 manheru ndokuenda muimba yake yekurara. Foni yemudzimai wake yakarira muhandbag make iye ndokuibudisa apo ruwoko rwake rwakabata chimwe chinhu chakapfava.

Paakatarisa, akaona kuti raiva kondomu rakanga rakaputirwa mubepanhau.
Lunga, dare rakanzwa, akanetsana nemudzimai wake uye vaviri ava ndokutanga kurwisana.

Zvinhu zvakazonyanya kuipa apo Lunga anonzi akatora banga remukicheni ndokubaya naro mudzimai wake katatu – kamwe pachipfuva, padumbu uye paruwoko. Mudzimai uyu akabuda ropa rakawanda achibva adonha. Amburenzi yakachairwa nhare asi havana kukwanisa kumubatsira sezvo akafira panzvimbo. Mutumbi waMoyo wakazoendeswa kumochari yechipatara.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Lunga asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey