Arenel yosimudzira vechidiki

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Arenel yosimudzira vechidiki

Kwayedza

KAMBANI ine mukurumbira pakubika mabhisikiti yeArenel yokurudzira mamwe makambani nemasangano akasiyana kuti vabatane mukusimudzira mitambo yevechidiki yakasiyana sezvo vari ivo vatambi vemangwana.

Arenel inokotsvera mitambo yevechidiki yakasiyana yakaita sehockey yevasikana muboka reUnder 21, 17 ne15, nhabvu yeNash Under-17 kozoti Tennis Junior Wimbledon.

Gore radarika, kambani iyi yakabatana neDairibord mukukotsvera mutambo weRugby Schools Festival.

Marketing director weArenel Tendai Taruvinga anoti kambani yavo yakazvipira kusimudzira mitambo yevechidiki munyika.

Taruvinga anoti parizvino mitambo mizhinji yakaita senhabvu yevakuru haisi kutambwa zvinodakadza nechikonzero chekuti vatambi vacho havana kunyatsokubikwa zvakasimba vachiri vadiki.

Anoti zvakakosha kuti mitambo yevechidiki itsigirwe zvizere nedonzvo rekuumba tarenda ravo sezvo vari ivo vatambi vemangwana.

“Isu seArenel kambani yedu iri kutungamirirwa nevechidiki saka takazviona zvakakosha kuti tidire mari yekusimudzira mitambo yevechidiki. “Tichiona vatambi vemitambo yakasiyana vane ramangwana rakanaka uye kuti tarenda ravo rinyatsokusimuka rionekwe rinofanirwa kubikwa zvakasimba,” akadaro.

“Dai makambani akasiyana tabatana kuita basa iri tisimudzire vapfana vedu nekuti ndivo vatambi vemangwana.”

Zvakadaro, gore rino Arenel yakabatana neNational Association of Schools Heads mukuronga mutambo weArenel Nash Under 17 Soccer Tournament uyo uchaona zvikoro kubva kumapurovhinzi akasiyana zvichikwikwidza munhabvu.

Mutambo uyu uri kutarisirwa kutanga musi waChivabvu 15 padanho remadistrict uchizokwira kusvikira kumafainari enyika yose apo mapurovhinzi anenge abudirira anozokwikwidzana.

Taruvinga anoti chishuwo chavo chekuti vacharamba vachisimbisa hukama hwavo neNash munyaya dzekusimudzira mitambo yevechidiki.

“Nhabvu yedu parizvino yakafa nekuti hapana ari kumbofunga kukotsvera vechidiki kuti vagosimukira mumutambo uyu,” akadaro Taruvinga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey