Uncategorized

‘Ari kuda kuchekeresa mwana wake’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
MUMWE mukadzi anoti ava kutyira upenyu hwemwana wake zvekutogara akamusungurira kumusana zvichitevera mashoko anotaurwa nemurume wake ekuti anoda kumuchekeresa.

Priscilla Mugoni akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira murume wake, Wadi Makwemba.

“Murume wangu akangodhakwa anotanga kundirova, ndinotokiya gedhi repamba kuti asapinde kuzondirova asi anojamba achipinda nechisimba.

“Ndinotukwa zvekuudzwa chipfambi chose chandisati ndakamboita achiita zvekudeedzera. Kana apedza ndipo paanotaura kuti, ‘Ndiri kuda kutora mwana iyeye ndigonomuchekeresa.’ Ndava kutotyira upenyu hwemwana, kana kutomusiya oga nekuti anoti achaita zvekumuba.

“Kudai dare ramudzivisa kuti asauye pamba nekuti dzimwe nguva ndikamudzinga anoramba kubva oswera akagara pamusiwo,” akadaro Mugoni.

Makwemba akaramba kuti anoda kuchekeresa mwana, kunyangwe zvazvo achigara achitukana nemukadzi wake.

Akati: “Mukadzi uyu ngaasati ndinomutuka asi kuti tinotukana, tichiudzana mashoko. Ini mwana handisi kuda kumuchekeresa asi kuti haandimhorese sababa vake kana ndikasvika pamba. Anenge achifurirwa naamai vake kuti asataure neni.

“Chandinokumbira kudare kuti mukadzi ngaasandidzinga pamba nekuti ini ndichiri kumuda.”

Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Mugoni ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey