Arova mudzimai apakurirwa mupunga une supu bedzi

28 Nov, 2023 - 16:11 0 Views
Arova mudzimai apakurirwa mupunga une supu bedzi Mhirizhonga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

NYAYA yemakaro enyama yakaparira vamwe saimba avo vakasungwa mushure mekurikita mudzimai wavo nepamusana pekuti ainge avabikira mupunga une supu chete – usina nyama.

Bengawasara Pedzisai (40) wepanhamba 11437 Zengeza 4, kuChitungwiza, anonzi akarova mudzimai wake muviri wose nekuda kwekuti aisada kudya mupunga une supu uyo ainge abikirwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Wilfilda Tiyatara, vakati Pedzisai adzoke kudare nemusi wa14 Zvita gore rino kuti azopihwa chirango chake.

Muchuchisi VaMalven Mwendera vakaudza dare kuti nemusi wa24 Mbudzi gore rino munguva dzemanheru, Pedzisai akaenda kumba akasvikowana mudzimai wake, Sharon Fukukani (25), abika mupunga une supu achibva agadzikirwa kuti adye.

Anonzi akabva apa mudzimai wake US$1 kuti anotenga mazai ekuisa mumupunga uya, zvinova zvaakaita.

Zvisinei, izvi hazvina kupedza dambudziko raive mumba umu sezvo Pedzisai akaramba kudya mupunga nemazai aye achibva asimudza ndiro ndokukuturira chikafu chiye mumusoro memudzimai wake.

Sekunge izvi zvainge zvisina kukwana, akaenderera mberi ndokupwanya mandiro, makomichi nemadhishi aive mumba umu achiratidza hasha dzake.

“Mukoma wake paakauya kuzorandutsira bongozozo iri, akabva amurova zvekare, ini ndipo pandakawana mukana wekutiza ndichibva ndanomhan’ara kumapurisa,” anodaro Fukukani.

Pedzisai ari kutongwa nemhosva yekushungurudza munhu panyama (Physical Abuse as Defined in Section 3(1) of the Domestic Violence Act Chapter 5:16).

Nyaya dzemhirizhonga dziri kuramba dzichiitika panguva iyo nyika iri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga kubva nemusi wa25 Mbudzi kusvika 10 Zvita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey