Uncategorized

Azviurayira nzungu

13 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
Azviurayira nzungu Insp Ncube

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuCowdray Park, kuBulawayo anonzi akazviuraya mushure mekunge akakavadzana nemuramu wake pamusoro pekapakiti kenzungu dzemutetenherwa ako akatengesa ne$10 asi iko kachiita $30.

Loveletter Gundani (31) anove muramu wemushakabvu –

Jonathan Mavhunga (35) – anoti vanorarama nekutengesa zvinhu pamusika uye nemusi weMuvhuro svondo rino, akasiya Mavhunga achitengesa zvinhu izvi iye achienda kunohodha.

Anoti paakadzoka, akaona Mavhunga atengesa nzungu dzemutetenherwa nemari yaive yakaderera zvikuru pane yadzaifanirwa kutengeswa nayo.

“Ndakashamisika mushure mekuona kuti Jonathan aive atengesa kapakiti kenzungu dzakakangwa ne$10 kwete ne$30. Mushure mekunge takakavadzana nekuda kwenyaya iyi, akabva amhanyira kupinda mumba,” anodaro Gundani.

Anoti mushure memaminitsi mashoma, akatevera Mavhunga ndokurohwa nehana paakaona kuti aive azvikiira mumba.

“Ndakagogodza pamusuwo kakawanda, asi haana kudavira. Ndakashevedza zita rake uye ndakazoenda kune muvakidzani wedu uyo akauya achibva avhura musuwo achishandisa screwdriver. Takarohwa nehana zvikuru patakamuoma akazvisungirira akarembera mudenga pamapuranga emubhedhurumu,” anodaro Gundani achitaridza kushungurudzika zvikuru.

Anoti akabva amhan’ara nyaya iyi kukamba duku yemapurisa yeCowdray Park Police Base.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanokurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vatadza kuwirirana vagadzirise nyaya dzavo murunyararo.

“Vanokwanisa kutsvaga vechikuru dzingave hama, shamwari kana mafundisi pane kupedzisira vafunga kuzviuraya,” vanodaro Insp Ncube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey