Baba nemwana vorwira imba

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
BABA vekunyoresa imba yavo muzita remwanakomana wavo vakabviswa chiri kumeso apo akazovaendesa kudare achiti ndiye ava muridzi wemba iyi nekudaro havafanire kusvikapo kana kutora mari inobviswa nemaroja. Lloyd Chivhima akamhan’arira baba vake, Edward Chivhima, kuHarare Civil Court achiti vasasvike pamba apa.“Baba vangu vari kuuya nerweseri vachitora mari inenge yabviswa nemaroja. Kana vaitora mari yacho havachadi kubhadhara mutero zvekuti kwatove nezvikwereti zvakakura.

“Ini handina kana mari yandichawana kubva kuimba yakanyoreswa muzita rangu naivo baba vangu iyi,” akadaro Lloyd.
Edward akaratidza kurwadziwa nemashoko ainge ataurwa nemwana wake achiti imba iyi ndeyake.

“Imba iyi ndeyangu asi mwana ava kutoona kunge yake. Pandakaisa muzita rake akanga ari mudiki kwazvo ndikamutaura kuti ndiyo imba yaizomuchengetawo kana ini ndichinge ndafa. Ndakamuti kana ndichiri mupenyu inofanira kumbondichengetawo asi iye ava kutoda kuti ndishaye kana chandinowana ini ndichiri mupenyu.

“Handina kuziva kuti ndiri kuzviparira pakuisa imba iyi muzita rake. Chikoro ndini ndakamuendesa asi ndinoshaya kuti nhasi zvaakura kudai ava kuda kutondirwisira imba ndichiri mupenyu.

“Ndakaedza kumubatsira kuti upenyu hwake huite zvakanaka, ndaibhadhara mari yechikoro achitiza. Zvose izvi ndaimuitira kuti ave neramangwana rakanaka asi nhasi ava kurwira imba yangu ndiri mupenyu,” akadaro Edward.
Mutongi Diward Kwende akarasa chikumbiro chaLylod achiti pakange pasina umboo hwekuti apihwe gwaro raaida.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey