Uncategorized

Baba vagadzika vana muchoto

31 May, 2022 - 10:05 0 Views
Baba vagadzika vana muchoto Inspector Kudakwashe Dhewa

Kwayedza

Sharon Chimenya

MURUME ane makore 28 okuberekwa wekuMasvingo anonzi akamanikidza vana vake vaviri – ane makore matatu neane matanhatu okuzvarwa – kuti vagare pamusoro pemoto waibvira mushure mekunge anetsana nemudzimai wake nenyaya yekuita gumbo mumba gumbo kunze.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti nemusi wa21 Chivabvu pakati pehusiku, Watipaishe Gumbo anogara kwaSabhuku Batanai kwaMambo Mazetse, akadzoka kubva kudoro ndokutanga kupomera mudzimai wake, Molifine Moyo, kuita chipfambi.
Panguva iyi, Moyo akange arere nevana vake vaviri.

Vanoti mukunetsana kwaiita vaviri ava, Watipaishe anonzi akazotora machete (zibanga) achiti aida kuuraya Moyo zvikaita kuti mudzimai uyu atize.

“Moyo akatiza achisiya vana vaviri ava. Gumbo anonzi akatanga kutyisidzira vana ava achiti aida kuvauraya. Anonzi akaenda panze ndokunobatidza moto achibva adzoka achitora vana ava.

“Anonzi akavagadzika pamoto ndokumira akavachengetedza achivadzosera mumoto apo vaizama kutiza nekuda kwekutsva,” vanodaro Insp Dehwa.

Vanoti Moyo akazodzoka pamba apa aine mukoma waWatipaishe, Ronius Gumbo, uyo akazonunura vana ava kubva mukupiswa nemoto uku.

Vana vaviri ava vakatsva miviri yavo yose uye nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvikaita kuti Watipaishe asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey