Baba voda roora kubva kumwanakomana

22 Dec, 2022 - 15:12 0 Views
Baba voda roora kubva kumwanakomana Wilson Shirichena

Kwayedza

Ashley Mujoma

MURUME wekuMhondoro anoti ari kuda kudzoserwa mari yake yeroora yaakabvisira mwanakomana waaiti ndewake sezvo achiti akazoziviswa kuti mwana uyu haasi wake.

Wilson Shirichena (78) anoti akakatyamadzwa kuudzwa kuti Milton Shirichena (49) haasi mwana wake.

Wilson anoti Milton akavingwa neanonzi ndibaba vake, avo vakangozivikanwa saZumbunu, vasati vafa ndokuburitsa gure iri pachena, iro rainge rakavanzwa kwemakore akawanda.

“Pandakatambira nhau iyi, mwoyo wangu wakarwadza zvikuru kuziva kuti mudzimai wangu akachengeta zvakavanzika izvi kwemakore 43.

“Chandave kuda kuripwa nekudzoserwa mari yangu yeroora kubva kumwana uyu sezvo ini ndakaripiswa mhosva dzababa vake avo vakapa pamuviri mudzimai wangu ini ndisati ndamuroora,” anodaro Wilson.

Anoti haana imwe nzira asi kutoudza Milton kuti amudzosere mari yake yose sezvo madzitezvara ake vose vakafa.

“Mudzimai wangu haasi kunzwa zvakanaka. Ane chirwere chemupfungwa uye madzitezvara angu vose vakashaya saka Milton anofanirwa kundidzosera mari yangu pachinzvimbo chababa vake,” anodaro.

Achipawo divi rake, Milton anoti haana kumboshevedzwa nevari kunzi baba vake apo vakange vave kufa.

“Handikwanise kuramba kuti pane mashoko ari kungotenderera ekuti handisi mwana wavo, asi handina kumbotaura navo nezvazvo.

“Kana vane umboo nezvenyaya iyi, ngavatevedzere gwara chairo pane kundidzinga mumhuri sembwa,” anodaro Milton.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey