Blind, Mata vangangotengeswa

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Blind, Mata  vangangotengeswa

Kwayedza

DALEY Blind naJuan Mata ndivo vatambi vaviri vakuru vari kutarisirwa kutengeswa naJose Mourinho zvichitevera kuuya kwaakaita kuManchester United.

Mourinho, uyo akatenderedzwa achirakidzwa kuCarrington uko kunoitwa gadziriro dzeManchester United nemutevedzeri wasachigaro wechikwata ichi Ed Woodward naSir Bobby Charlton musi weMuvhuro, ave kutogadzirira vatambi vaanoda kutenga mwaka unotevera wenhabvu pamwe nekutengesa.

Blind naMata vose havasi muhurongwa hwaMourinho hwemwaka unotevera apo ari kuvaka chikwata chaanotarisira kuti chichazohwina mukombe wePremier League.

Zviri kuzivikanwa kuti Mourinho anotendera kutengeswa kwevatambi vaviri ava mwaka uno asi hunge United ikatambira mari yakanaka yekuvatengesa uye paine tarisiro yekuti anotenga vamwe vatsva vanovatsiva.

Mourinho akambotendera kutengeswa kwaMata kubva kuChelsea mugore ra2014 nemari inosvika 33,5 miriyoni paunzi, kunyangwe hazvo mutambi uyu ange abva kuvhoterwa kuve Player of the Season kuchikwata ichi.

Panguva iyi, Mourinho aisafara nematambiro aMata uye aisagutsikana kuti anogona kutamba matambiro aaida iye.

Zvinozivikanwa kuti haasati ashandura mafungiro ake pamutambi uyu, izvo zvinoreva kuti anogona kubva kuchikwata ichi.

Zvakadaro, Blind — uyo akatengwa naVan Gaal ne14 miriyoni paunzi mumwaka wake achangosvika kuOld Trafford — anonzi haasi muboka revatambi rinodiwa naMourinho kuvatambi vekumashure.

Mourinho ane nhorowondo yekutenga vatambi vekumashure vakareba, vakasimba vakaita saKurt Zouma naRaphael Varane vekuChelsea neReal Madrid.

Akawana vatambi vakadai, Mourinho haatye kuvatambisa muchikwata chake kunyangwe vachiri vechidiki.

Blind akashoropodza chaizvo kudzingwa kwakaitwa Van Gaal svondo radarika, mushure mekuhwina mukombe weFA Cup, unove mukombe wekutanga wechikwata ichi zvichitevera kubva kwaSir Alex Ferguson.

Anoti aifunga kuti Van Gaal aifanirwa kupihwa nguva yakareba yekuvaka chikwata ichi, izvo zvinoreva kuti aisada kuti Mourinho agadzwe pachigaro chinopisa ichi.

“Ndakagara ndichishanda naye uye ndaida kuti tirambe tichienderera mberi tichishanda tose kwenguva ndefu,” Blind akaudza vatori venhau apo aive kuPortugal achiita gadziriro nechikwata chenyika yake cheNertherlands.

“Mwedzi mitanhatu yadarika haana kumbopihwa ruremekedzo rwakakodzera.

“Ndinofunga kuti murairidzi wenhabvu akaita saLouis van Gaal — uyo akahwina zvakawanda mumutambo uyu — anokodzera kupihwa ruremekedzo.” — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey