Castle Tankard yoitwa

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
Castle Tankard yoitwa

Kwayedza

ACHANGE ari makuwerere svondo rino paMashonaland Turf Club apo panonyanya kuzivikanwa sepaBorrowdale Race Course nemusi weMugovera pamujaho weCastle Tankard Horse Race.

Mujaho uyu uri kukotsverwa neDelta Beverages kuburikidza neCastle Lager nemari inosvika US$50 000 uye gore rino mabhiza 15 ndiwo achamhanya apo richahwinha muridzi waro achapihwa US$30 000 pamwe nemukombe.

Gore rino richange riri rechi53 mujaho uyu uchiitwa kubva pawakatanga.

General Manager weDelta Beverages, Dr Munyaradzi Nyandoroh, vanoti mujaho weCastle Tankard uri kuramba uchikura negore negore uye wabatsira zvikuru kusimudzira nharaunda dzakasiyana pamwe nekuwanisa veruzhinji mabasa.

“Mujaho uyu une nhorowondo inofadza zvikuru uye gore negore unobatsira nharaunda dzakasiyana pamwe nekupinza vanhu mabasa.

“Gore rino tichange tichifamba nedingindira rekuti Perfection in Motion nekuti Castle Tankard zvose zvainoita zvakarongeka,” vakadaro Dr Nyandoroh.

Vaimbi vakaita saTocky Vibes, Winky D nevamwe vanotarisirwa kuvaraidza verunhinji pamakwishu aya.

Gore radarika, bhiza rinonzi Equina ndiro rakahwina mumujaho uhu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey