Uncategorized

Chechi yesda yovakisa zvimbudzi

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Memory Mangombe
CHECHI yeSeventh Day Adventist (SDA) iri kubatsira mukuvakisa zvimbuzi paMarirangwe Secondary School, kuBeatrice, nechinangwa chekuchengetedza utano hwevana uyezve yakacheresa chibhorani pachikoro ichi. Muhurukuro nakanzura weWard 11, VaClever Chimwanja – uko kune chikoro ichi – vanoti chechi iyi iri kuvakisa zvimbuzi zvine chitsama.
“Zvimbuzi izvi zvine makomba 16 pamwe chete,” vakadaro kanzura Chimwanja.

Vanoti kuvakwa kwezvimbuzi izvi kwave kupera uye zvinotarisirwa kutanga kushanda munguva pfupi iri kutevera.
“Tine chivimbo chekuti muna Nyamavhuvhu zvimbuzi izvi zvinenge zvave kushanda sezvo vanamati vechechi iyi vari kuuya kuzoita musangano wavo wepagore pachikoro apa,” vakadaro VaChimwanja.

“Kunze kwezvimbuzi izvi, chechi iyi yakacheresa chibhorani chine matangi gumi nerimwe chete ayo anotakura mvura ine huwandu hwemarita 7 500 patangi rimwe nerimwe.”

Kanzura ava vanotenda zvikuru chechi yeSDA nekusimudzira kwairi kuita chikoro ichi, icho chakavambwa mugore ra1981.
Marirangwe Secondary School ine vadzidzi 226 vanobvira Form 1 kusvika 4.

VaChimwanja vanoti chikumbiro chavo ndechekuti dai chikoro ichi chakwanisa kusimudzirwa kuti paitwe zvidzidzo zveA-Level sezvo pari zvino vanenge vapedza O-Level vari kunetseka nekuwana nzvimbo dzekuenderera mberi nedzidzo nekuda kwekushomeka kwezvikoro zvine gwaro iri mudunhu ravo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey