Chembere yapondwa, mutumbi ndokupiswa

31 Mar, 2024 - 14:03 0 Views
Chembere yapondwa, mutumbi ndokupiswa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE ine makore 94 okuberekwa inonzi yakapondwa kuRidgemont, kuGweru, uye nhubu dzakapara mhosva iyi ndokuzotungidza imba yaiva nechitunha vachida kuchipisiramo.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, vanoti nyaya iyi yakaitika svondo rapera apo mumwe munhu aitodarika nepamba pechembere iyi akaona imba yainganduma kutsva achibva amhanya kunozivisa vavakidzani vepamba apa.

“Vavakidzani vakaenda ndokushevedza mapurisa nechikwata chinodzimura moto vakabva vauya panguva iyoyo vakadzimura moto uyu. Mutumbi waambuya ava wakazowanikwa muimba yekutandarira wakatsimbirirwa nema’assbestos’ akatsemuka. Mapurisa akazoongorora mutumbi uyu vakaona uine maronda ekuchekwa nebanga padumbu nemaronda maviri zvakare pamutsipa kuratidza kuti ambuya ava vakapondwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti izvi zvinotaridza kuti pane nhubu dzakaponda ambuya ava ndokuzotungidza imba iyi kuti zvigonzi vafa nekutsva.

“Ambuya vakapondwa ava ndiRegina Muzanenhamo (94) vemumugwagwa waBuggies kuRidgemont, muGweru. Tinokumbira kuruzhinji vane ruzivo nenyaya iyi kuti vazivise mapurisa nhubu dzakaita izvi dzigokwaniswa kusungwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya, vakomana vaviri vaifudza mombe kuMberengwa vanonzi vakaona mutumbi wemurume musango waiva wava kuwora.

“Nemusi wa18 Kurume kune vakomana vaviri vaifudza mombe vakaona mutumbi wemumwe murume wava kuwora musango. Mutumbi uyu ndewaEmmanuel Mamhanga (29) wekuVillage 9c kuHibbo, kuMberengwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvinonzi nemusi wa26 Kukadzi nenguva dzekuma12 masikati, Mamhanga aiva pamba pake kuMberengwa aine vana vake vaviri apo akavingwa nevarume vaviri vanosanganisira Abel Hlanya naTafadzwa Mhlanga vose vane makore 23 okuberekwa vemumusha uyu vachimupomera kuti aiva achitsvetsva mudzimai waHlanya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanonzi vakamurova pamberi pevana vake kusvikira akatiza pamba vachingomurova ndokuenda musango.

“Kubva musi uyu, Mamhanga haana kuzodzoka pamba uyewo hapana akazombomuona kusvikira nemusi wa18 Kurume nenguva dza1400 hours apo mutumbi wake wakazowanikwa musango nevakomana vaifudza mombe watowora. Vakomana ava vakazozivisa vanhu vakuru vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvakadai, Hlanya naMhlanga vakasungwa nekuda kwenyaya yekuponda yavari kupomerwa.

“Tinokurudzira ruzhinji kuti vasagadzirise kusanzwanana kwavo nekurwisana asi kuti vatsvage vayananisi kunzvimbo dzavari vakaita sevakuru vedzisvondo, madzishe, masabhuku, mafundisi, makanzuru nemapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey