Uncategorized

‘Chenzira’ Romeo akawana hama

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
‘Chenzira’ Romeo akawana hama

Kwayedza

MWANA uya ane makore 16 okuberekwa wekwaTandi, kwaRusape, uyo ange ave “chenzira” achigara mumigwagwa yemuHarare nekuda kwekuti anoti aigarorohwa nababa vake nemudzimai wavo mudiki akazoita rombo rakanaka apo akatorwa nehanzvadzi yake. Romeo Nyambo, akange ava kumberereka mumigwagwa yeHarare achiti akatiza kumusha mwedzi waKukadzi gore rino achida kutsvaga hanzvadzi yake – Grace Nyambo (22) – uyo akange asina kuwana.

Baba vake anoti vanonzi Benard Nyambo avo anopomera kuti vaimurova senyoka yapinda mumba nemipinyu yedemo neshamu dzemipangara. Zvakadaro, zvichitevera kubuda kwakaita nyaya yemukomana uyu mubepanhau rino svondo rapera pamwe nepanhepfenyuro yeStar FM, Grace akazoenda kunhepfenyuro iyi pamwe nekuKwayedza achitsvaga kuti angaonane sei naRomeo.

Mutori wenhau uno akazobatsirana naGrace kutsvaga Romeo mumigwagwa yemuHarare ndokumuwana ari pane chimwe chitoro chinotengesa zvekudya panosangana mugwagwa waAngwa Street naGeorge Silundika Avenue. Grace naRomeo pavakaonana vakatanga kuyerera misodzi mumaziso vachichema vose.

Grace anogara kuMargolis mumugwagwa unobva kwaMachipisa, kuHighfield uchienda kuChitungwiza uye akatenda zvikuru Star FM neKwayedza nekuburitsa kwakaitwa nyaya yakazoita kuti akwanise kusanganiswa nehanzvadzi yake. “Baba vakandiridzira nhare vachinditaurira kuti Romeo akatiza chikoro, ndivo vaigara naye naamai sezvo amai vedu vakarambwa nababa mugore ra2003. Kubva panguva iyi, takatanga kutambura tose kusvikira ini ndakazouya kuno kuHarare kuzoshanda ndokuzowanikwa nemurume wandiinaye, ndaisaziva magariro aiita hanzvadzi yangu kumusha,” anodaro.

Achitaura apo aichema, Grace anoti chizvarwa chekuMozambique uko kune hama dzababa vavo dzose uyewo hapana hama dzaamai vake dzaanoziva. “Amai vakazofa varambwa nababa kare, ndichanogara nehanzvadzi yangu kana takwanisa achadzokera kuchikoro, handina kwandinomurasira,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey