‘Chikomba ndinochida, asi chinondirova’

24 Jan, 2024 - 13:01 0 Views
‘Chikomba ndinochida, asi chinondirova’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUKADZI wemuHarare anoti shamwarirume yake ine katsika kekumuzvindikita pose pavanokakavadzana asi zvisinei, anongomuda zvakadaro.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Constance Mbasera akaendesa Tapiwa Ngara achida gwaro redziviriro.

“Mukomana wangu ndinomuda chaizvo asi dai arega tsika yekundirova pese patinotadza kuwirirana.

“Haandikudze, anogona kana kundirova pane vanhu, pamwe pacho akandikuvadza anongoti ndichakurapisa zvongopera zvakadaro,” anodaro.

Mutongi Tamara Chibindi akabvunza Mbasera kuti sei ari kushingirira kugara nemunhu anomurova.

“Chauri kushingirira kugara nemurume asina kukuroora uye anogara achikurova chii? Hauoni kuti zviri nyore kuzvigarira uchengetedze upenyu pane kuti ugare uchirohwa. Unofanira kukoshesa upenyu hwako nehwevana vako uye kupa muenzaniso wakanaka kuvana, havafaniri kuramba vachiona zvinhu zvakadai,” vanodaro.

Mbasera anoti Ngara anomuda uye hazvigone kuti asiyane naye.

“Mukomana wangu ndinomuda asi ndakutomutya maitiro ake, handisi kuda kusiyana naye. Vabereki vangu vakatonditi ndinogara naye ivo vosara vachichengeta vana vangu,” anodaro.

Ngara haana kupikisa zvaitaurwa naMbasera.

“Handirambi hangu zvaataura asi kuti mukadzi uyu haanzwisise uye anongoda kundikwidzira izwi saka ndinozopedzisira ndagumbuka ndomurova,” anodaro Ngara.

Mutongi akapa Mbasera gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey