Chikwata chenhabvu yevechidiki chaumbwa

14 Sep, 2023 - 21:09 0 Views
Chikwata chenhabvu yevechidiki chaumbwa Munyaradzi Taundi

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu yevechidiki cheKuyamurana Football Club chakaumbwa kuMbare donzvo guru riri rekusimudzira matarenda evechidiki uye kuti vawane zvinovavaraidza senzira yekuvabvisa mukatsika kekutora zvinodhaka izvo zviri kukanganisa hupenyu hwevakawanda vavo.

Mutungamiri wechikwata ichi – Munyaradzi Taundi – anoti vakachivamba nechinangwa chekusimudzira nhabvu muMbare umo muzere vatambi vechidiki vane tarenda remutambo uyu.

“Isu seKuyamurana Furniture tagara tiri munhabvu, tichironga mitambo yakasiyana iyo iri kuona zvikwata zvichitamba. Saka takazoona kuti ngatiumbe chikwata cheduwo, Kuyamurana Football Club, chinangwa chiri chekubika vatambi vechidiki vemangwana.

“Muno munzvimbo yeMbare mune vatambi venhabvu vakawanda, vamwe vacho vane matarenda anonwisa mvura zvikurusa. Asi dzimwe nguva zvipo zvavo zvinogona kuenda mudondo nekuda kwekutora kwezvinodhaka saka isu tinoda kubvisa vana vakawanda mune zvinodhaka kuburikidza nekutamba nhabvu.

“Vechidiki tikavaregerera vari vega vanosvika pakufurirana vakazopedzisira vapinda mudondo saka tinotofanirwa kushinga kuvasimudzira hupenyu hwavo,” anodaro.

Nzvimbo yeMbare inozivikanwa ichibika vatambi venhabvu vakawanda uye ndiko kwakabva George Shaya, Stanford ‘Stix’ Mutizwa, Japhet Mparutsa naEdward Muchongwe.

Taundi anoti ishuviro yavo kuti kuburikidza nechikwata cheKuyamurana FC vachabika vechidiki vachazosvika padanho rakasvikwa nevatambi vakaita saShaya uyo akaita mukurumbira munhabvu.

“Tinoda kudzorera Mbare pachinzvimbo chayaive kare apo yaizivikanwa ine mukurumbira wekubika vatambi vepamusoro munhabvu.

“Basa iri rinoda mushandirapamwe nemasangano akasiyana kuti tikunde tigobika vatambi vepamusoro nekuti mune remangwana zvichabatsira nhabvu yedu tese senyika,” anodaro Taundi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey