Uncategorized

Chimbwamupengo Chabata harare, bulawayo . . . Vanhu 32 vafa, 44 300 vakarumwa

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Chimbwamupengo Chabata harare, bulawayo . . . Vanhu 32 vafa, 44 300 vakarumwa Imbwa ichibuda rute

Kwayedza

Kingstone Mapupu naAshley Muchamiri
VANHU 32 vafa nekuda kwechirwere chechimbwamupengo, vamwe 44 321 ndokurumwa nembwa kubva gore rapera kusvika pari zvino.

Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo, reDepartment of Livestock and Veterinary Services, rinoti vanhu vanosvika 44 321 vakarumwa nembwa uye vamwe 32 vakafa munyika yose nekuda kwechirwere chechimbwamupengo kana kuti “rabbies” pachirungu kubva muna 2018 kusvika mumwedzi waChikumi gore rino.

Pavanhu vakarumwa nembwa ava — 5 600 vavo vakarumwa nembwa dzakabaiwa majekiseni ekudzivirira — uye vakawanda vacho vana vane makore ari pasi pegumi.

Izvi zvinonzi zvinokonzerwa nekuti vana vanofanira kutamba nembwa.

Panguva imwe chete iyi, kwakafa imbwa 228, mombe 102, mbudzi 44 nemadhongi 25 nekuda kwechirwere ichi.

Denda rechimbwamupengo rinonzi riri kunyanyonetsa kumatunhu anosanganisira Harare, Bulawayo neMasvingo.

Dr Reverend Spargo — avo vanoshanda kuDepartment of Livestock and Veterinary Services vari kudivi rezvekurapwa kwezvipfuyo (Epidemiology and Diseases Control) — vanoti chimbwamupengo idambudziko muZimbabwe.

“Rabbies kana kuti chimbwamupengo chinoparadzirwa kubva kumakava emusango chichienda kumbwa nedzimwe mhuka – dzingava dzatinopfuya pamisha kana dzemusango. Hachirapike, kureva kuti mhuka yabatwa nacho kana munhu, kungomirira nguva yekufa.

“Denda iri rawanda mumaguta eHarare, Bulawayo, neMasvingo kutodarika kumaruwa. Izvi zviri kubva pakuti kwava nevanhu vakawanda vave kugara munzvimbo dzakakomberedza maguta matatu aya,” vanodaro.

Dr Spargo vanoenderera mberi: “Kubva mugore ra2018 kusvika mwedzi waChikumi gore rino, vanhu 44 321 varumwa nembwa uye vafa nekuda kwedenda rechimbwamupengo panguva iyi vanosvika 32. Chikamu chikuru chevanhu varumwa nembwa ava vana vari pasi pemakore 15 okuberekwa sezvo vari ivo vanofarira kutamba nembwa nekatsi zvikuru.”

Vanoti chimbwamupengo chinobata zvose mhuka nevanhu sezvo vaine ropa rinodziya.

“Isu vanhu, mombe, imbwa, madhongi, makava nedzimwe mhuka ndizvo zvinobatwa nechimbwamupengo. Dzimwe mhuka dzatinoti ‘cold blooded animals’ dzine ropa rakatonhora semakarwe, hove, matatya, madzvinyu nezvimwe zvinonyanya kuda zuva hazvibatwe nedenda iri,” vanodaro Dr Spargo.

Vanoti chimbwamupengo chinokanganisa pfungwa, izvo zvoita kuti munhu kana mhuka yabatwa nacho ipengereke. Ndipo panobva zita rekuti chimbwamupengo.

Kunze kwemakava nembwa, dzimwe mhuka dzinonyanya kubatwa nechirwere ichi dzinosanganisira mapere, mombe, katsi, madhongi, makwai nembizi.

“Chirwere ichi chinozopararira kumhuka dzatinogara nadzo apo dzinosangana nemakava kana mapere. Sembwa, dzinorwisana nemapere kana makava – pakurumana ndipo padzinotapurirwa chirwere ichochi.

“Mombewo dzinobata denda iri kubva mukurumwa nembwa, makava nemapere.

“Pasi rino rose, kunofa vanhu vanodarika 60 000 pagore nekuda kwechimbwamupengo, vazhinji vavo vari vemuAfrica nekuAsia, apo pavanhu ava chikamu chemakumi manomwe kubva muzana vari vana,” vanodaro Dr Spargo.

Vanoti mhuka inobatwa nedenda iri inoonekwa nekusandura magariro ayo ichiita hasha nekusada kugara nedzimwe zvekare ichirwerwa kana kudhonhedza rute.

“Sezvo chirwere ichi chichibata pfungwa, kana iri imbwa unoona nekuruma dzimwe imbwa nekudhonha rute ichihukura zvenhema. Inongoruma zvakaita sewaya, zvimiti nematanda.

“Imbwa iyi inogona kuruma chose chayaona — mombe, vanhu, mbudzi nezvimwe. Chirwere ichi chinoparadzirwa kuburikidza nemate, asi regai ndirambe ndichitaura kuti hachirapike,” vanodaro chiremba vemhuka ava.

Vanoti mombe ine chimbwamupengo inoonekwa nekukuma kwakanyanyisa, ichiruma zvose nekukweshera mumiti. Inongoda kutunga dzimwe mombe nevanhu ichidzengerera panzvimbo imwe chete.

Dr Spargo vanoti kana mhuka yafa nechimbwamupengo, inofanirwa kupiswa kana kufushirwa pasi – musoro wayo woendeswa kubazi ravo kuti unoongororwa namachiremba ezvemhuka.

“Munhu akarumwa nembwa ine chimbwamupengo, zvinotora nguva ingaite masvondo matatu kusvika gore kuti chirwere ichi chibude zvichienderana neparumwa nekuti chinofamba neropa kuenda mumusoro. Pamusoro pezvo, zvinofambirana nekuti mate apinda muropa rako kubva kune mhuka yakuruma akawanda zvakadii.

“Vamwe vanhu vanoguma vave kuendesa hama dzavo kun’anga kana kumaporofita apo vanenge vorasika njere vachifunga kuti varoyiwa icho chiri chimbwamupengo,” vanodaro Dr Spargo.

Munhu akarumwa nembwa kana neimwe mhuka ine chimbwamupengo anonzi anoguma orasika njere.

Dr Spargo vanokurudzira vanhu vanenge varumwa nembwa kuti vatange vageza maronda avarumwa nemvura vachishandisa sipo, vozoenda kuchipatara.

Vanokurudzirawo vanhu vanochengeta imbwa kuti vadzibaise majekiseni ekudzivirira chirwere ichi uye kuti vanhu vabaiwe zvakare majekiseni ekuzvidzivirira.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vachengete imbwa shoma idzo dzavanogona kupa chikafu nekudzibaisa majekiseni nguva dzakatarwa.

“Kubva musi wa15 Nyamavhuvhu kusvika kupera kwaGunyana, mudunhu reHarare neBulawayo tichange tichifamba tichikurudzira kubaiwa kwembwa majekiseni takanangana nekurwisa rechimbwamupengo,” vanodaro.

Dr Spargo vanorumbidza zvikuru mumiririri weBuhera South mudare reNational Assemby, Cde Joseph Chinotimba, nedanho ravakatora mukurwisa nechimbwamupengo mudunhu ravo nguva yakadarika apo vakarambidza vemabhazi kufamba husiku izvo zvaikonzera kuti vanhu varumwe nemapere nemakava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey