Uncategorized

Chimuka akahwinha mumwezve mubairo

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Chimuka akahwinha mumwezve mubairo Muchaneta Chimuka achitambidzwa mubairo wake naVaMichael Chideme (kuruboshwe) vanova mutungamiriri weZUJ.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUNYORI weKwayedza Muchaneta Chimuka akahwapura mumwezve mubairo wekugona basa mumakwikwi eNational Journalistic Media Awards (NJAMA 2018-19) pamabiko akaitwa nemusi weChina muguta reHarare.

 

Chimuka akahwinha mubairo wekutanga unoona nezvekuraswa kwemarara nenzira dzinokanganisa nharaunda uye upenyu hwevanhu – Open Defaecation Including Solid Waste Management Journalist of the Year.

 

Chikamu chemakwikwi aya chaingova nemubairo mumwe chete bedzi nyika yose unova ndiwo wakaenda kuKwayedza.

Chimuka akawana mari nechitupa izvo zvakabva kusangano reUnicef.

 

Chirongwa chemaNJAMA chinorongwa nesangano revatori venhau reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ).

Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi vanoti vacharamba vachitsigira vatori venhau kuti vaone kuti vari kushanda nenzira dzisina kumbunyikidzwa.

“Ticharamba tichiita mibairo yerudzi urwu tichitenda mabasa anoitwa nevatori venhau nekuti zvinoita kuti vave nemanyuku-nyuku nebasa ravo.

“Tiri kukurukura neHurumende kuti pave nemitemo yakasimba inochengetedza vatori venhau nekuti tine nyaya dzakawanda idzo vanorohwa kana kukuvadzwa vari pabasa,” vanodaro.

 

Munguva pfupi yadarika, Chimuka akahwapura mimwe mibairo miviri pamakwikwi evatapi venhau vanonyora nezvekurima, eZimbabwe Agriculture Media Awards 2019 apo akanyora nezvekurimwa kwembeu diki uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo zvakaita semombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey