Uncategorized

Chitunha chakaputiswa bute…Inhema idzo, vakandivenga: Baba…Vasarambe, vakazviita: Muzukuru

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Chitunha chakaputiswa bute…Inhema idzo, vakandivenga: Baba…Vasarambe, vakazviita: Muzukuru

Kwayedza

04082016KWA-MAI-HAR-03VANHU vaiva parufu kwaMutoko vakaona manenji apo chitunha chavainge vakaunganira chakaputiswa fodya yebute chisati chavigwa.

Mashura aya anonzi akaitika mubhuku raBvunzawabaya, kwaMambo Charehwa, zvichitevera kufa kwaMemory, mwanasikana waVaPhillimon Bvunzawabaya, vanhu vakazviona ndokusara vasina neremuromo sezvo vasina kuziva kuti zvakaitirwei.

Asi, VaPhillimon Bvunzawabaya vari kurambisisa nyaya iyi vachiti aya mabasa evavengi vanoda kusvibisa zita ravo.

Zvisinei, muzukuru wavo, VaAmon Mushamba Dzvakauyanga (84), vemubhuku raChakanetsa munzvimbo imwe chete iyi, vanotsinhira nyaya yekuputiswa bute kwechitunha iyi.

“Ichokwadi, zvakaitika ini ndiripo semuzukuru. Mbuya vangu Memory Bvunzawabaya vakashaikira kuHarare mutumbi wavo ndokuzounzwa kuno kumusha kuzovigwa. Ndakazoona sekuru vangu VaPhillimon Bvunzawabaya vasara voga mumba nevamwe vashoma vakabata kasha vachiputisa chitunha chemwana wavo fodya. Hatizive kuti zvaireva chii,” vanodaro.

Vanoti chitunha ichi chaiva mubhokisi pachakaputiswa fodya apo sekuru vavo vakavhura kumusoro kwebhokisi ndokuita manenji aya.

“Zvakaitika apo vanhu vakanga vanzi vabude panze vozotanga kupinda vakaita mudungwe vachionekana nemufi. Hamheno. dzimwe nguva yaiva nzira yekumutsa mufi kuti anorwa kune vakamuuraya, hamheno.

“Mufi uyu anofanirwa kunge akauya akagezeswa nekupfekedzwa kuHarare kwaakafira,” vanodaro VaDzvakauyanga.

Vanoti vakabvunza sekuru vavo kuti izvi vakazviitirei vakatadza kupindura.

“Ini semuzukuru wavo, ndakavabvunza kuti vaiitei vakatadza kundipindura. Kunyange vamwe vemumhuri iyi vakataura nyaya iyi panhamo vachitopopota kuti zvaireva chii kuti chitunha chinoputiswa fodya. Dzimwe hama dzavo ndakadzibvunza dzikati zvaiva zvavo voga, zvaiva zvisina chekuita nevamwe vehukama.

“Handisati ndamboona zvakadaro kubva ndichizvarwa kusvika pazera rino. Chitunha hachitambwe nacho pachivanhu chedu.

“Kumhuri iyi ndiko kwakaberekwa baba vangu ini,” vanodaro VaDzvakauyanga.

Vanoti nyaya iyi yakasvitswa kwasabhuku wemusha uyu vanovawo hama kumhuri iyi, VaLuke Bvunzawabaya Mhukutu.

Ruzhinji rwaiva panhamo iyi rwunonzi rwakazoonekana nechitunha ichi chatoputiswa bute kare uye hazvizivikanwe kuti raiva bute roga here kana kuti raiva rakasanganiswa nezvimwe.

Amai vaMemory, Mai Susan Hege Bvunzawabaya (53), vanoti hapana zvavanonyanya kuziva nenyaya yekuti chitunha chemwana wavo chakaputiswa bute vachiti panguva iyi vairwadziwa nerufu rwake.

Zvisinei, vanoti mashoko ekuti chitunha chaMemory chakaputiswa bute vakaanzwa achitaurwa nevaive panhamo iyi, kusanganisirawo madzisahwira avo.

“Memory mwana wangu wechina pavana vangu 11 vanoti vakomana 6 (vatanhatu) nevasikana 5 (vashanu). Ndakazongonzwa zvonzi, ‘Mazviona here kuti mutumbi wemwana waputiswa fodya nababa vake?’ Mashoko aya aibva kumadzisahwira emumusha ndikati kwedu kwandinobva kuBuhera hakuna zvakadaro,” vanodaro.

Vobvunzwa kuti vakambotaurawo here nemurume wavo nekuda kwenyaya iyi, vanoti havana.

“Zvenyika ino zvinonetsa, kuti nditi ichokwadi kana kuti kunyepa. Mashoko aya akataurwa mwana wangu asati avigwa, hanzvadzi yangu yaiva panhamo akatopotsa arwa nevamwe vanhu vekwaNyamukapa vaishevedzera mashoko aya kuruzhinji,” vanodaro.

Vanoti inyaya inovarwadza zvikuru, kuti kunze kwekuchema mwana wavo, vave kushungurudzwa zvakare nekuti chitunha chakaputiswa bute.

“Hongu, vanhu takambobuda panze tose mumba mukasara baba nevana vavo. Saka handikwanise kutsinhira nyaya iyi, hapana zvandinoziva,” vanodaro Mai Bvunzawabaya.

Zvisinei, vanoti murume wavo haafarirwe nehama dzake izvo zvavakati zvinogona kuita kuti mashoko aya akatangwa nevavengi vachida kusvibisa mazita avo.

“Murume wangu haadiwe pano nevemhuri yake, vanoda kuti abve mumusha muno saka hatichaziva chaizvo zviri kuitika,” vanodaro.

Mumwe wevana vemhuri iyi, Chiruka, uyo anonzi aivepo pakaitika nyaya iyi, ari kuzviramba.

Chiruka anoti nyaya yekuti chitunha chehanzvadzi yake chakaputiswa bute yaitaurwa nemadzisahwira kunyangwe zvazvo izvi zvisina kuitika.

“Masahwira vanongotaura zvose-zvose kana kuti kunemera. Zvekuti takasara nababa mumba vakaputisa chitunha chasisi fodya takatarisa handizvizive, ruvengo kubva kuvanhu. Baba vangu vane madzimai maviri, uku kuvakirwa mashoko nevavengi,” anodaro.

Anoti pane kurwisana nekuda kweupfumi mumhuri yavo apo vamwe vehukama vanoda kuvatorera pfuma yavo, kusanganisira imba yavanogara.

“Imba yatinogara ndeya babamudiki vakashaika, saka vamwe vanoda kuti tibve pano vasare vagare. Mwana mumwe chete aiva wababamudiki ava akashaikawo kare,” anodaro.

Samuel Bvunzawabaya (33), mumwe wevanakomana mumhuri iyi, anoti mashoko aya akaita kugadzirwa nevanhu kuvasvibisa izvo zvinotsinhirwa nehanzvadzi yake, Vimbai Bvunzawabaya (19).

“Takavengwa muno zvikuru, minda chaiyo yababa takatorerwa ikapihwa vazukuru vana vemadzitete. Hatina pekurima izvozvi, mombe chaidzo dzakaparadzwa nehama,” anodaro Vimbai.

Zvakadaro, VaPhillimon Bvunzawabaya vakawanikwa neKwayedza vasipo asi vakazoridzira mutori wenhau uno nhare vachipa divi ravo pamusoro penyaya iyi.

“Nyaya inotaurwa yose iyo kuvengwa. Hakuna zvakadaro, mwana akafa tikamuviga zvakanaka. Mashoko iwayo anotaurwa asi ndeekunyepa,” vanodaro VaPhillimon Bvunzawabaya.

Zvisinei, Sabhuku Luke Bvunzawabaya anoti nyaya iyi yakaitika uye yatekeshera ikoku.

“Nyaya iyi hakuna asingaizive kuno, mashura chaiwo. Ndakazvinzwa asi handina kuda kuzvipindira nekuti vanonzi vakaita izvi ndibaba kwandiri. Zvakare ndinotya kurohwa, munhu uyu ane hasha zvikuru, haadi nyaya dzake dzinopindirwa nevanhu.

‘‘Kana kwasadunhu vedu nekwaMambo Charehwa handina kumbokwanisa kuiendesa nekutya. Masahwira emumusha muno vari kuzvitaura vakazviona, hakusi kunyepa,” vanodaro.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti nyaya iyi iri pachena sezvo kuputisa chitunha bute kuine zvakunoreva.

“Vamwe vemhuri iyi ngavatore vakaita izvi vafambe navo muchivanhu zvotsvagiwa kuti chii chaicho chakaitika,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey