Uncategorized

Chitunha chanwiswa musombodhiya

29 Mar, 2022 - 16:03 0 Views
Chitunha chanwiswa musombodhiya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZISAHWIRA emunhu ainge afa kwaMutoko vanonzi vakaita mashura apo vakanwisa chitunha chake doro remusombodhiya.

Nyaya iyi inonzi yatokwidza makata sezvo sadunhu weku ava kuti vakaita izvi zvaende kudare rake.

Manenji aya anotevera kufa kwaSimon Vhera (38) uyo aigara nevabereki vake kurukisheni rwemaRed Bricks kana kuti kuZesa paMutoko Centre uyo ari kunzi mutumbi wake wakazonwisa doro nevaaimbotamba navo.

Zvinonzi vanhu vaiva parufu urwu vakatanga kunzwa mukati mebhokisi muchigogodzwa kuratidza kuti mune munhu mupenyu apo vakazovhura ndokuona chitunha chakavhura maziso nemuromo.

Vanhu ava vanonzi vakamutsa mutumbi uyu ndokuugadzika mubhokisi apo chitunha chinonzi chakazonwiswa doro remusombodhiya nemadzisahwira.

Mushure meizvi, zvinonzi vehukama nevamwe vanhu vaivepo vakatanga kukakavadzana kuti mutumbi unovigwa sezvo vamwe vaityira kuviga munhu mupenyu.

Sadunhu Nyamukapa, VaEdward Muzengeza vanotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya yekuti kune munhu akafa akambomuka apo akazonwiswa doro yakasvika munzeve dzangu. Mhuri iyi yaifanirwa kunge yakauya kwandiri kuzotaura nyaya iyi, zvino havana.

“Ndichatuma machinda angu kumhuri iyi, ndinoda kuti vauye kudare vatsanangure nyaya yavo zvizere,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Vanoti mudunhu reMutoko, iro rinotungamirirwa nemadzishe vemutupo weShumba Nyamuzihwa, hakuna chivanhu chinotendera vanhu kutamba nechitunha sezvinonzi zvakaitwa izvi.

“Iyi inyaya yekutanga muno iyo yandichakwidza kuna mambo wangu, tateguru VaMutoko. Asi vanhu ava tiri kuvashevedza kudare munguva pfupi iri kutevera.

“Tinonzwa kuti pavakanoviga mutumbi uyu, kumakuva kwacho kwakaitikawo masaramusi zvakare sezvo kuchinzi kwakaonekwa nyoka isina kuzivikanwa rudzi rwayo. Zvinonziwo mutumbi uyu wakasvetuka kubva mubhokisi ukanowira mugomba. Pane zvakawanda zviri kutaurika panyaya iyi zvinoda kuti vemhuri iyi vazvitaurire voga,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Mushakabvu uyu anonzi ainwa doro uye akafa mushure mekurwara nemusoro apo akaendeswa kuchipatara cheMutoko uko airapwa ndokuzofirako.

“Vamwe vanhu vaiva panhamo iyi ndivo vakauya vachindizivisa nyaya iyi vachiti mutumbi uyu uchiri mumba, vanhu vakatanga kunzwa kugogodzwa mubhokisi maiva nechitunha. Vanhu vanonzi vakazovhura bhokisi vakaona chitunha chakasvinura uye chakavhura muromo vanhu vakafunga kuti amuka. Masahwira acho anonzi akazonwisa chitunha ichi doro,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Chitunha ichi chinonziwo chaigutsurira musoro chiri mubhokisi.

Vanhu vaiva panhamo iyi nekuvhunduka, vanonzi vakazoshevedza mufundisi weimwe chechi yemunharaunda uyo anonzi akaramba kunamatira chitunha ichi sezvo vanhu vaiti mushakabvu ainge amuka.

“Mashoko aya achisvika kwandiri, zvinonzi vanhu vaiitisana nharo vamwe vachiti afa vamwe vachiti aiva mupenyu. Zvinonzi kwakazoshevedzwa vakoti nemachiremba echipatara cheMutoko avo vakasvikoti munhu uyu ainge akafa,” vanodaro.

Chitunha ichi chinonzi chakaramba chichivhura maziso nemuromo panguva yekuonekana nemufi kusvikira vanhu vakaenda kunochiviga chakadaro.

Motokari yerori yerudzi rweT-35 yaiva yakatakura mutumbi uyu kuenda kumakuva inonzi yakany’ura pachivanze pakaoma zvikashamisa vanhu ikazoita zvekusandudzirwa kuti ibude.

Semunhu ainwa doro, mutumbi wemurume uyu unonzi wakazotenderedzwa kumabhawa epanzvimbo yeMutoko Centre uchionekana nevamwe.

“Ndinonzwa kuti mutumbi uyu wakazoendeswa kupurazi remhuri iyi uko wakavigwa husiku zvinova zvisingabvumidzwe mudunhu rino kuti chitunha chinovigwa nguva dzakadaro. Kunonziwo paguva apa pakabuda zinyoka risina kuzivikanwa rudzi rwacho uyewo chitunha chikanzi chakasvetuka kubva mubhokisi chikawira muguva. Zvose izvi runyerekupebedzi, saka ndinoda kuti vauye voga vanhu ava,” vanodaro.

Sadunhu Nyamukapa vanoti pane mashoko anoti vanhu vachiviga mufi uyu kumakuva uku, kwakauyawo bumha renyuchi dzikavhiringidza vanhu kunyange dzisina kuvaruma.

“Chinhu chose chinoshamisa chikaitika munzvimbo chinofanirwa kusvitswa kwasabhuku nekumadzishe nekumapurisa sezvinonzi zvakaitika panyaya iyi. Tinotsvaga nzira dzekugadzirisa pane kuzonzwa nemakuhwa seizvi,” vanodaro Sadunhu Nyamukapa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii vanoti nyaya yemutumbi wemunhu unonzi wakatambwa nawo uchinwiswa doro haina kusvitswa kumapurisa.

Vanoti imhosva kutamba nechitunha kana guva remunhu.

Kwayedza yakaedza kutaura nemasahwira emufi uyu avo vanonzi vamwe vevakanwisa chitunha doro, kusanganisawo nehama dzemushakabvu, asi vose vanoramba kutaura nezvenyaya iyi.

Hilda Vhera anova hanzvadzi yemufi akaramba kutaura neKwayedza apo vatori venhau vakasvika pamba pavo paMutoko Centre.

“Uyu ndiye aiva hanzvadzi yedu oga, hatigone kutaura nemi tichiri kuchema uye pane vamwe vatori venhau vakauya panhamo vakaguma vava kuburitsa zvisirizvo. Tine vakuru, regai tivafonere tinzwe kuti vanoti kudiiko.

“Amai varimo mumba umu munhu akura uyewo vachiri mukuchema,” anodaro Hilda Vhera.

Akazoridza nhare kune imwe hama yavo achida kupihwa zano apo akanzi varambe kutaura nevatori venhau.

“Musabvume kutaura navo. Handiti takawirirana here panyaya iyi,” anopindura achidaro munhu uyu.

Masahwira vaviri vemufi avo vakanotsvagiwa panzvimbo yemabhizimisi yeMutoko vakarambawo kutaura nevatori venhau.

“Ini ndini ndakagezesa Simon nekuita zvose pachitunha chake, handidi zvekutaura nemi,” anodaro mumwe wevarume ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey