Conte otarisana nemutambo wekutanga

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Conte otarisana nemutambo wekutanga

Kwayedza

MUTAMBO wekutanga wemurairidzi mutsva weChelsea, Antonio Conte, uchange uri wehushamwari apo chikwata chake chichasangana neLiverpool.

Zvikwata zviviri izvi zvichasangana kuPasadena, kuCalifornia musi wa27 Chikunguru mumitambo yazvo yegadziriro dzekutanga kwemwaka mutsva.

Mazuva maviri anotevera, aimbove murairidzi weJuventus – Conte – achasangana neReal Madrid kuMichigan Stadium, nhandare huru muUSA iyo inokwana vanhu 108 000. Mumutambo wekupedzisira weChelsea kuAmerica, chikwata chaConte chichasangana neAC Milan musi wa4 Nyamavhuvhu.

Chelsea yakazivisa nemusi weMuvhuro kuti Conte achave murairidzi wavo zvichitevera kupera kwemitambo yeEuro 2016.

Muchinda uyu, uyo ane makore 46 okuberekwa, akasaina kondirakiti yemakore matatu nemaBlues, uye achatanga basa kana apedza kutungamira nyika yake yeItaly kumutambo weEuro uyo uchatambirwa kuFrance.

Conte achaita murairidzi wechi10 weChelsea zvichitevera kutengwa kwakaita chikwata ichi naRoman Abramovich mugore ra2003.

“Ndiri kunzwa manyuku-nyuku kupihwa mukana wekushanda kuchikwata cheChelsea Football Club. Ndinofara zvikuru kuve murairidzi wenyika yangu uye nekuve muraidzi weChelsea nekupihwa kwandaita basa iri.

“Ndiri kutarisira zvikuru kusangana nemunhu wese kuchikwata ichi uye nekutanga kushanda mazuva ose tichikwikwidza muPremier League,” akadaro. —Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey