Uncategorized

Covid-19 mashura padunhu

28 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Covid-19 mashura padunhu

Kwayedza

Bembera padare naWedzerayi Nhemachena

VAVERENGI vanotevera Bembera Padare vanogona kunge vave kuona dingindira rinofamba nedare rino, mungave mumusha, mudunhu, mumakambani edu, pamwe nemunyika yedu, inova nyaya yengozi yatinosorerwa nevamwe.

Shungu ndidzodzo dzekuti munhu wose mwana wemumwewo, nokudaro dare haridi kuti munhu arasike nokuti aremerwa nehukuru zvekusvika pakurova amai vake.

Uku kufarisa kuridza ngoma nedemo chaiko.

Dare rino rinotora mukana uno kukumburana nevadikanwi vedu vari kurasikirwa nevadiwa wavo mudzimba dzavo, mumatunhu, makambani, munyika, uye pasi rose nokuda kwedenda ranetsa reCovid-19.

Pasi rose rabatwa nekutya kukuru kwekuti nyika dzose dzambomira kuita zvinofanirwa kuitwa nemunhu zuva roga-roga. Uyu ndiwo muitiro wengozi kana yasvika pamhando yepamusoro-soro. Haina wainosiya isina kuzunguza.

Tinongoda kurairana padare pano kuti munhu wose zvisinei nepauri muupenyu, kuti ngationgororei kuti chose chatinoita chichatisvitsa papi mukubata kwedu.

Vanhu vari kupa pfungwa dzakasiyana maringe nekutanga kwengozi huru iyi yeCovid-19 iyo yabata pasi rose.

Hongu pfungwa dziri kuuya pakasiyana, asi chiri kunyanya kubuda panyaya iyi ishungu yokuva mhare pakuwana mishonga inodzivirira kana kurapa denda iri.

Sezvinongoitika kunyaya yekugadzira zvombo zvinokuvadza, kune vanoita chimbi-chimbi vachida kuti vanzi ndivo vatanga kuwana mishonga iyi.

Tikatora muenzaniso wevadiki chaivo, mukomana anogona kurwa kudarika vamwe vose kumombe, ndiye anodzoresa mombe vakomana mbwende nekuvadyira mbuva yavo yavapihwa kumba kwavo. Nyaya iyi haiperere kumombe chete, asi inovezwa nekukwenenzverwa kusvika kwamvura yachekamakumbo.

Zvino mukudaro ndimo mukutsvaga zvikwambo zvekurwisa vamwe. Dare rino rinoti Covid-19 chikwambo. Nekumwe kureva, chikwambo chapihwa benzi.

CHENJEDZO:

Vanhu vakaona chikwambo pachena vanoti mashura padunhu nokuti vanenge vasina kumboona zvakadaro muupenyu hwavo.

Chinhu chose chatisingagone kududzira muupenyu hwedu mashura padunhu nokuti hapana ane mhinduro.

Asika, ngozi inoda kuripwa, ngozi yaunzwa nechikwambo cheCovid-19. Muripo wacho uri kuzivikanwa pari zvino ndiko kuchengetedza muko wehutsanana.  Kurega kumhoresana nemudiwa wako nemaoko kana kumbundirana. Kusaita chitsokotsoko pose pamuri uye kugara kudzimba.

Kungorega kutevedza izvi bedzi, mweya wechikwambo unoti wawana pekugara nokuti ngozi yechikwambo ichi inotapuriranwa.

Vanyamasimba pasi rose vachitsvaga maripiro avangaite chikwambo ichi, isu ngatiwanikwe tichitevedzera mhiko dzechikwambo ichi dzatiri kupihwa zuva nezuva nenyanzvi dzeutano.

Ngatisakanganwa zvakare kuti ngozi yeCovid-19 yauya asi icharipwa ikapera chete.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey