Uncategorized

Covid-19 nevanhu vasina pekugara

08 Aug, 2021 - 06:08 0 Views
Covid-19 nevanhu  vasina pekugara

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Hurumende iri mushishi kurwisa chirwere cheCovid-19, kune vamwe vanhu vanoraramira mumigwagwa vari panjodzi yekukonzera kupararira kwedenda iri sezvo vasina zvekushandisa zvakaita semamasiki uye pekugara pasvinu izvo zvinoita kuti vararame muhuchapa.

Nemusi weChina, Kwayedza yakashanyira chimwe chikwata chevanhu vasina pekugara pakati tsvetere avo vakazviwanira muzinda wavo wepachena pamwongo weguta reHarare.

Chikatwa ichi chiri kugara pane mudhuri wakanyorwa-nyorwa kuti ”Welcome” unova une makamuri mukati mumugwagwa waGeorge Silundika.

Panzvimbo iyi panogara vanhu vakawanda uye fodya nedoro risingatenderwe nemutemo isarura ude.

Mikana yekutapurirana chirwere cheCovid-19 yakakura zvichitevera kuungana kunenge kwakaita vanhu ava vanosanganisira varume vakuru, vechidiki nepwere uye vose vanenge vasina hanya nekupfeka mamasiki.

Nzvimbo iyi inoratidza kuti yatova musha wavo sezvo vava kutochera mvura vachibikira muimba imomo pamwe nekurarapo sanaamai nanababa.

“Ini ndinobva kuChimanimai uye baba vangu vakashaya mugore ra2010 tikasara tichirerwa naamai. Amai vangu vaigara vachindishungurudza vachinditi handisi mwana wavo, ndiri munhu akanhongwa mumabhini.

“Vakatanga nekuregedza kundibhadharira mari yechikoro izvo zvakaita kuti ndipedzisire ndava kutengesa chibage chaive mumba kuti ndibhadhare mari yechikoro. Izvi hanzvina kuvafadza ndokubva vatanga kunditukirira uye kundirova zvinova zvakaita kuti mugore ra2019 nditize pamba ndichinotsvaga basa remumba,” anodaro Tadiwa Dube (19).

Anoti akatanga kushanda basa remumba aine makore 15 ekuberekwa uye chikoro akagumira Grade 7 iyo yaasina kuzonyora nekuda kwekushairwa mari.

“Kwandaishanda vaiti vachandipa US$30 asi ndakashamisika ndava kutambiriswa US$10 uye mumwe mwedzi US$5. Pari zvino ndine mwana mukonama ane gore nemwedzi misere yekuberekwa uye baba vake tinogara navo pano. Dambudziko guru ratinaro nderekushaya chikafu, zvekupfeka kana iwo mamasiki, masanitizer nesipo,” anodaro.

Dube anoenderera mberi achiti, “Hongu takanzwa zvichitaurwa kuti kune chirwere cheCovid-19, asi zvekushandisa ndozvatisina kuti tizvidzivirire. Ndosaka tese tiri pano tisina mamasiki acho.

“Hatina kana mari dzekunozvirapisa kana tikarwara.”

Kwayedza haina kuzokwanisa kukurukura nevamwe vagari vepanzvimbo iyi sezvo vakanga vava kuda kuita zvemhirizhonga nemunyori uno pamwe nemutori wemifananidzo, Justin Mutenda.

Nzvimbo yavanogara iyi haina mvura, zvimbuzi uye vanogara vakawanda apo nharaunda yavari igutukutu kunhuwa sezvo vachingozvibatsira pavada.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vanoti vane hurongwa hwekubvisa vanhu vose vari kugara panzvimbo dzisina kukodzera muguta guru iri kuti rive nechimiro chinoyemurika.

VaMichael Chideme

“Tiri kushanda pamwe nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) uye bazi reSocial Welfare kuti tione kuti vanhu ivavo vaendeswa kunzvimbo dzakakodzera vobatsirwa vari ikoko. Vakawanda vanhu vari kuita katsika kekutora mikana yezvimwe zvivakwa zviri muguta izvo zvisiri kushandiswa munguva ino yelockdown vachizviita dzimba dzavo dzepachena.

“Tinoyambira zvekare veruzhinji kuti vasiyane netsika yekupa rubatsiro kuvanhu ivavo nekuti ndizvo zvimwe zvinoita kuti varambe vari mumaguta. Tinokoshesa kuti vanhu vagare kudzimba nemhuri dzavo ndiko kuti tikunde denda reCovid-19. Huchapa huri panzvimbo idzodzo hunomutsa zvirwere zvakaita seCovid-19, cholera nezvimwe zvemanyoka uye nyaya dzekumbunyikidzwa kwepwere dzinowanda,” vanodaro.

Vana vanopemha mumigwagwa

Reverend Taylor Nyanhete, avo vanova national director wesangano reZimbabwe National Council for the Welfare of Children, vanoti vana vanorarama mumigwagwa vari mumipanda mitatu inoti, vanogara mumigwagwa vasina misha zvachose, vanotiza kudzimba asi vachidzokera manheru kunorara uye vanouya nevabereki vachishandiswa mabasa ekupemha vachivapa mari kana zvavanenge vawana.

“Donzvo redu guru tichishanda neHurumende nderekuona kuti vana ivavo vadzokera kudzimba kunogara nemhuri dzavo nekuti mumigwagwa hamuna chimuko. Mune kumbunyikidzwa kwakanyanya sekurohwa nekwepabonde kunyanya,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey