Kwayedza
Muchaneta Chimuka
MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidzwa kuti Coronavirus kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararira kunyika dzakawanda dzepasi rose — kusanganisira muZimbabwe.
Coronavirus utachiona hunokonzera kurwara sekupindwa nechando zvichizowedzera nekufamba kwenguva.
Covid-19 inoparadzirwa sei?
Covid-19 utachiona hwakaipisisa hunotapuriranwa nyore kuburikidza nekusangana nemunhu anayo padyo nepadyo (direct contact).
Inotapurirwa nekukosora kana kuhotsira
Kubatana nemunhu anayo sekumhoresana
Kubata midziyo inenge iine utachiona hwechirwere ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa
Kubata mhuka dzinorwara kana kuti dzemusango.
Zvaungaite kana uine fungidziro yeCovid-19:
Zviratidzo ndezvinotevera: kupindwa nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochururuka dziwa.
Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowedzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.
Kana uchifungira kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotevera dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana – Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531
Ungaderedza sei mikana yeCovid-19?
Siya mita imwe chete paunomira nemunhu ane zviratidzo zvekukosora
Usabate mhuka dzemupurazi kana dzemusango
Vhara mhuno dzako netishu kana gokora rako paunokosora kana kuhotsira
Regedza katsika kekubata maziso kana muromo.
Geza maoko ako nguva dzose paukosora kana kuhetsura kana kubatsira murwere
Geza maoko nesipo nemvura yakachena kana uchinge washandisa chimbuzi
Geza maoko ako usati wagadzira kudya
Geza maoko usati wayamwisa mwana
Geza maoko ako pese paanenge asviba
Kana uchinge wabva kunyika dzine utachiona uhwu, gara kumba kwemazuva 14.
Regedza kuita katsika kekushanya kune dzimwe nyika kana mamwe matunhu anenge ari kutekeshera chirwere ichi.
Zvinhu zvinowanikwa kuti vanhu vanoshungurudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudziko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana mhuri.
Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatsorara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.
Taurai panhare kana paWhatsApp nehama neshamwari.
Usashandise zvinodhaka kuti uzvinyaradze mundangariro.
Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vemunharaunda.
Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushungurudzai paterevhizheni kana kuverenga mumapepanhau. – Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana neWorld Health Organisation.