Uncategorized

‘Covid-19 yatiworora’

06 Jan, 2022 - 16:01 0 Views
‘Covid-19 yatiworora’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIKWATA chevarume vanoita basa rekugadzira bhutsu, mabhandi nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana kuZengeza 4, kuChitungwiza vanoti kubva pakatanga denda reCovid-19 munyika muno basa ravo radzoserwa kumashure zvikuru.

VaRemington Gozho (38) vanoitira basa iri pamba pavo nevamwe vavo vatatu kunyangwe zvazvo vaimbodarika gumi uye vasara vave vashoma zvichitevera kunyuka kwedenda iri.

Vanoti vakatanga basa iri mugore ra2008 vakanga vava kutopinzawo vamwe vanhu mabasa asi pari zvino hazvisi kukwanisika.

“Takatanga basa rekugadzira bhutsu itsva, mabhandi,  mabhegi nenguwani zvose zvemakanda emhuka dzesango. Basa iri raifamba zvakanaka zvikuru kusvikira mugore ra2020, tinoshanda tiri vatatu kunyangwe takambowanda kudarika gumi apo zvaifamba. Asi nekuda kwematambudziko akaunzwa neCovid-19, vanhu havachatenga bhutsu dzedu nezvimwe zvigadzirwa,” vanodaro VaGozho.

Vanotiwo vanogadzurudza bhutsu tsaru zvakare.

VaGozho vanoti vainge vava kuwana makasitoma mudunhu rose reChitungwiza nenzvimbo dzakakomberedza guta reHarare asi zvakapera panguva yakangotanga chirwere cheCovid-19.

“Basa rakanga rava kutotiwandira tichipihwa basa nevadzidzisi kubva muzvikoro zvakasiyana, vana vechikoro nekubva kumapazi eHurumende izvo zvose zvakamira sezvo vanhu vasisawane mari sezvavaiita kare,” vanodaro VaGozho.

Vanoenderera mberi vachiti, “Basa redu tinoita naVaSolomon Sithole naVaAlexio Gumbo uye takakwanisa kuvaka dzimba nekuendesa vana kuzvikoro nekuitawo zvimwe zvinhu zvikuru. Tinoshandisa michina miviri yekusonesa, inoti unoshandisa magetsi newekudhaya nemawoko nemakumbo. Kunze kwebhutsu, tinogadzirawo mabhandi eleather, nguwani, mabhegi echidzimai neechirume.”

Vanoti rimwe dambudziko ravakatarisana naro pari zvino nderekushomeka kwemakanda ekusonesa zvinhu izvi sezvo vaimboawana kubva kuSouth Africa asi zvava kunetsa kuti vaunzirwe makanda aya nekuda kwedenda reCovid-19 sezvo paine matanho aripo maringe nemafambiro evanhu nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Matehwe mazhinji atinoshandisa anobva kunyika yeSA atinovigirwa nevamwe vanhu veko asi hatichakwanisa kuawana nyore nekuda kwemitemo yeCovid-19 sezvo vanhu vasisafambe zvakanaka,” vanodaro VaGozho.

Vanoti vaimboenda nebhutsu nezvimwe zvigadzirwa zvavo kunze kwenyika izvo zvakakanganiswa nekunyuka kwedenda iri.

“Taiva tapinzawo vamwe vechidiki mabasa vapfumbamwe vaitichekera makanda nekufambawo vachitsvaga makasitoma nekuitawo mamwe mabasa. Asi, takavaburitsa basa zvinhu zvava kuoma kubva mugore ra2020 saka izvozvi tangosara tichingova vatatu chete,” vanodaro VaGozho.

Vanoti vari kufambira magwaro ekuti vanyorese kambani yavo zviri pamutemo asi zviri kunonoka nekuda kwedambudziko rekushaiwa mari.

PIX:Kusona Bhutsu-07/01/22

VaRemington Gozho vachigadzira bhutsu pamba pavo kuChitungwiza. – Mufananidzo naMunyaradzi Ruhukwa

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey