Dingley anyora nhoroondo

06 Jul, 2023 - 19:07 0 Views
Dingley anyora nhoroondo Hannah Dingley

Kwayedza

DINGLEY agadzwa kuve murairidzi wenhabvu wechidzimai wekutanga muEngland
Forest Green Rovers yakagadza mutungamiri weAcademy yavo, Hannah Dingley, kuti afanobata chigaro chekurairidza chikwata chavo chevakuru zvichitevera kusiya basa kwakaita Duncan Ferguson.

Muchiitiko chikuru munhabvu yekuEngland, sekuburitswa kwazvakaitwa neMail Sport, Dingley ndiye akagadzwa pachigaro chinopisa ichi chekuLeague Two.

Dingley – uyo ane magwaro eUEFA Pro License – abva aita mudzimai wekutanga, kunyangwe kwenguva pfupi, kutungamira chikwata chevarume mune chimwe chezvikwata zvina zvepamusoro-soro muEngland.

Forest Green ichatamba neMelksham Town mumutambo wayo wekutanga wepre-season svondo rino.
Dingley ndiye achatungamira chikwata ichi mumutambo uyu.

“Hannah ndiye wataida uye zvaive nyore kumugadza pachigaro ichi – akaita basa rakanaka kwazvo achitungamira academy yedu, anofambirana nezvishuviro zvechikwata chedu,” anodaro muridzi Dale Vince.

‘’Zvinotaura zvakawanda kumugadza kwataita mumutambo wevarume nekuti akakodzera, tichaputsa nzvimbo itsva – uye Hannah achava murairidzi wekutanga wechikadzi munhabvu yemuEngland.’’

Dingley anotiwo: ‘’Ndiri kufara chaizvo. Pre-season ichangotanga uye mwaka uzere uchatanga manje-manje.

‘’Inguva inofadza munhabvu. Ndinotenda nemukana wekusimudzira uye kutungamirira chikwata chino icho chine muono wemberi pamwe nekupa vamwe mikana yakadai.” — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey