Uncategorized

Dutumupengo: Garai muine zvinotevera

31 Dec, 2020 - 00:12 0 Views
Dutumupengo: Garai muine zvinotevera

Kwayedza

ZVINOTEVERA zvimwe zvezvakakosha kuti vanhu vaone kuti vanazvo here panguva yedutumupengo:
– Hupfu hunokwana vhiki rose.
– Huni dzakaoma dzakachengetwa pasingasvike mvura, marasha kana gas. Izvi ngazvive zvinopedza vhiki.
– Marambi, makenduru nematochi kuitira mwenje.
– Muriwo usingakurumidzi kushata unopedza vhiki semufushwa kana matemba.
– Nhare ngadzizare moto mochengetedza moto iwoyo. (Zvakakosha kushandisa nhare imwe chete pamusha, ikapera moto toshandisa yeumwe, toenda pane yeumwe. Izvi zvichabatsira kuti tikwanise kutaura nevamwe kana tichizenge tichida rubatsiro).
– Mvura yekunwa ngaivepo inopedza vhiki. Magetsi akaenda nemvurawo haibudi mupombi.
– Vanotora mishonga kuchipatara, kumakiriniki nekuzvitoro zvemishonga ivai nechokwadi chekuti inokwana vhiki rose.
– Ngatiudzanei nzvimbo dzakatarwa kuti titizire ikoko kana mvura rave dambudziko. Izvi zvinobatsira kuti tikwanise kuzotsvagana tichionana kana taparadzaniswa nemvura.
– Ngatirege kurara tose husiku mvura ichinaya. Ngatigovanei nguva dzekurara neyekurindira.
– Ngatigadzirire mapukunyukiro kana dambudziko remvura raitika.
– Ngatizivisei vemutemo kana paine vana vari voga pamba kana tisingakwanise kuvatora kuti vagare nesu mudzimba dzedu.
– Ngativhurei nzira dzekuti mvura ipfuure irege kuungana patiri. Mvura haivharwe, inopihwa nzira yekuti ifambe nayo.
– Magetsi anogona kuenda kwemazuva. Gadzirirai kuti chikafu chinoora chiri mufiriji muchaita sei nacho.
– Vasara nemazuva mashoma ekuzvara garai maenda kuchipatara nekuti migwagwa inogona kusazofambika pamunenge moda rubatsiro.
– Mvura zhinji iyi inogona kuparadza migwagwa, magetsi, masaisai enhare nepombi dzemvura nedzimba. Zvikwanisiro zvevhiki zvinoita kuti tirege kuzotambura takamirira rubatsiro rwunobva kune vanobatsira. Kana uine rwendo rwakakoshesesha mumazuva mashoma anotevera, zviri nani uende kuchiri kufambika.
– Munhu wose ngaave ari pane mhuri yake tirege kuzorasikirwa neupenyu tave kumhanya kuenda kumhuri taona hasha dzedutumupengo.
– Ngatigarei tiine maziviro ekukwira pamusoro pemba, mumiti kana kuenda kwakakwirira.
– Haisi nguva yekudhakwa ino. Unouraisa vanhu vachiedza kukubatsira kana kuti vanhu vachafa iwe usingagoni kuvabatsira nekuda kwekudhakwa.
– Mvura iyi ichatiunganidza tose mumba. Ngatirege kubvunzana zvipande, toita mwoyo mirefu, topana mikana pane zvose uye toita hurukuro dzinofadza tose.
– Ngatinamatei kuti Mwari atichengete panguva yakaoma seino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey