Dynamos yadzinga Maruwa 

08 Aug, 2023 - 17:08 0 Views
Dynamos yadzinga Maruwa  Herbert Maruwa

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weDynamos – Herbert Maruwa – nhasi adzingwa basa nechikwata ichi.

Maruwa, uyo akatsiva Tonderayi Ndiraya kuDeMbare, anonzi adzingwa basa nehutungamiri hwechikwata ichi avo vange vasiri kufara nematambiro achange chichiita mwaka uno.

Maruwa akange akapihwa mitambo mishanu yekuchengetedza basa rake asi zvinonzi maGlamour Boys haana kufara nekuita mangange 0-0 kwakaita chikwata chavo neHwange svondo radarika.

Mashoko ari kutenderera padandemutande anoti mutevedzeri waMaruwa, Murape Murape pamwe chete namaneja weDeMbare Richard Chihoro vambomiswa basa nyaya dzavo dzichiongororwa asi remangwana ravo kuchikwata ichi harina kujeka.

Mwaka uno wePSL Dynamos ichirairidzwa naMaruwa kusvika pari zvino, yatamba mitambo 18 ndokuhwina minomwe ikaita mangange kasere uye ndokukundwa mitatu.

DeMbare yakagara pechina palogo uye yakasiiwa neHighlanders, iyo iri kutungamira palogo, nezvibodzwa zvipfumbamwe.

Svondo rino, Dynamos iri kusangana neSimba Bhora muChibuku Super Cup apo maziso ese achange akatarira kuti ndiani achatungamira chikwata ichi mumutambo uyu.

Zvakawanda zviri kutevera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey