Uncategorized

‘Dzosai musoro waTapiwa’

29 Oct, 2020 - 12:10 0 Views
‘Dzosai musoro waTapiwa’ Tapiwa Makore

Kwayedza

Nyaya naKingstone Mapupu

MHURI yekwaMakore, kwaMurehwa —  iyo ine mwanakomana wemakore manonwe ekuberekwa akapondwa, mutumbi wake ndokuzonhongwa wakabviswa musoro, maoko memakumbo — iri kukumbirisa kune vakaponda mwana uyu kuti vabatsire mukuwanikwa kwemusoro wake kuitira kuti akwanise kuvigwa, mweya wake uzorore.

Mwana uyu — Tapiwa Makore (Jnr) — ari kunzi akapondwa zvine chekuita nekuchekeresa nababamukuru vake Tapiwa Makore (Snr) (57) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe, Tafadzwa Shamba (40).

Tapiwa Makore (SNR)

Varume vaviri ava vakatosungwa uye musoro nemaoko zvemwana uyu hazvisati zvawanikwa.

Pane makumbo akazowanikwa akakandwa muchimbuzi chiri mumusha wakaponderwa mwana uyu.

VaMunyaradzi Makore (40) — avo vanova baba vemwana uyu — vanoti chikumbiro chavo chikuru kuvanhu vakamuponda ndechekuti dai musoro wake wawanikwa, vavige mutumbi uine zvakakwana zvinova zviri kudiwa nevakuru vedunhu reMurehwa kusanganisira Mambo Mangwende.

Munyaradzi Makore

“Chikumbiro changu kune vanhu vakaponda mwana wangu nevamwe vasati vave kuzivikanwa ndechekuti vaburitse pane musoro wemwana kuitira kuti tikwanise kuviga mutumbi wakakwana,” vanodaro VaMunyaradzi Makore.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi.

Mai Beaulla Musupai (49), vanova ambuya vemwana wekupondwa, vanoti vakangomirira zvichabuda paongororo yeDNA iri kuitwa dzimwe nhengo dzakawanikwa sezvo mazuva avakatarirwa akatodarika kare.

Makumbo anonzi ndeemwana uyu akawanikwa muchimbuzi kwakare kwaMurehwa uye pane musoro wakawanikwa kune imwe nzvimbo mudunhu iri uyo usiri kuzivikanwa kuti ndewani.

Tafadzwa Shamba

“Takangomirira zvichabuda paongororo iri kuitwa makumbo emwana uyewo nemusoro wakawanikwa uyo usiri kuzivikanwa kuti ndewani.

“Sekuvimbiswa uko takanga taitwa, maresults aya taifanirwa kuawana svondo rakapera saka tave kutarisira svondo rino. Tave kuda kuti tizorodze mwana wedu, saka chichemo chedu ndechekuti dai musoro wemwana uyu wawanikwa,” vanodaro.

 

N’anga yonyepera kuziva kwauri

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira n’anga nemaporofita kuti vasiyane netsika yekuda kutsvaga mbiri pasina vachitora mukana wekupondwa kwemwana aive nemakore manonwe okuberekwa wekwaMurehwa vachiti vanoziva kune musoro wake.

Mwana uyu, Tapiwa Makore (Jnr), ari kunzi akapondwa nababamukuru vake, Tapiwa Makore (Snr) vachibatsirana nemufudzi wavo wemombe anonzi Tafadzwa Shamba uye vaviri ava vakatosungwa nekuda kwemhosva iyi.

Mutumbi wemwana uyu wakazonhongwa wakabviswa musoro, maoko nemakumbo munyaya iri kufungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa.

Pane makumbo akawanikwa akakandwa muchimbuzi ikoko asi musoro nemaoko hazvisati zvawanikwa.

Mapurisa vanoti vane n’anga yavari kuvhima iyo yavanofungidzira kuti ndiyo ine musoro wemwana uyu.

Mashoko eyambiro emapurisa anotevera n’anga nemaporofita vanonzi vari kuenda kumhuri yekwaMakore vachiti vanoziva kune musoro wemwana uyu.

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti, “Tiri kuyambira n’anga nemaporofita nevamwewo vari kuda kutora mukana kuita mari nekufa kwemwana wekwaMurehwa ainzi Tapiwa Makore (7) (Jnr). Ngavasiyane netsika iyi.”

Assistant Commissioner Paul Nyathi

Vanoti mapurisa ari kufambira mberi nekuferefeta nyaya iyi.

“Kune maporofita nen’anga vave kuenda nerweseri vachinonyepera mhuri iyi kuti vanoziva kune musoro wemwana uyu nechinangwa chekuti vavatorere mari nehumwe upfumi. Tine nyaya yakadaro yakaitika kumhuri iyi svondo rakapera, harisi dambe iri uku kufa kwemunhu saka tinovayambira kuti vanosungwa. Ngavatsvage mari nezvimwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoyambirawo mhuri yekwaMakore kuti vasanyeperwe nemakoronyera ari kuda kutora mikana yekuita mari nekupondwa kwemwana.

Izvi zvinotevera nyaya yakaitika svondo rapera apo imwe n’anga inonzi Mbuya Mamoyo kana kuti Cynthia Chikungwa (26) inobva kwaSabhuku Dzvari kuMuchinjike kwaMurehwa yakashanyira mhuri yekwaMakore husiku ichiti mweya waTapiwa (Jnr) wainge wasvika pairi.

N’anga iyi inonzi yakati mweya wemushakabvu uyu waitaura kuti watambura zvikuru zvichinzi musoro wake wakaiswa mufiriji pane imwe imba iri mumusha weDzivaresekwa, muguta reHarare.

N’anga iyi inonzi yaiva nemurume wayo, Walter Chaparadza (35), nevamwe vashanu kusanganisira magwenyambira nevehosho.

Mai Beaulla Musupai (49), avo vanova mutauriri wemhuri yekwaMakore, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mudzimai aizviti imhondoro akasvika pano kunze kwave kuedza svondo rakapera paseri aine murume wake nevamwe vashanu vachiti mweya waTapiwa waisvika paari. Vakati vaida kunotiratidza kune nemusoro waTapiwa (Jnr) mufiriji kuDzivaresekwa,” vanodaro Mai Musupai.

Vanoti musha wose vanhu vakamuka ndokunzwa zvaitaurwa nemunhu uyu, ndokurara pamusha apa asi vakazozivisa mapurisa ekwaMurehwa nyaya iyi.

“Takazodira motokari rerori peturu yeUS$80 semhuri ndokutakura vanhu 7 ava isu vekwaMakore taiva 4 ini nababamudiki vemufi nanababamukuru vaviri. Takanosvika kumba kwaitaurwa uku tikashaya musoro uyu uyewo pamba apa hapana kana munhu ane firiji. Takazodzoka navo vakadzokera kumusha kwavo kuMuchinjike,” vanodaro Mai Musupai.

N’anga iyi inonzi yakazotaurira vemhuri yekwaMakore kuti paiva nerima raiva raita kuti musoro wemwana uyu usawanikwe iro raida kuti vagezeswe vose.

“N’anga iyi iri kutaura kuti mhuri yose yekwaMakore inoda kugezeswa nemukaka nebute izvo takaramba,” vanodaro.

Kwayedza yakakwanisa kutaura naWalter Chaparadza anove murume wen’anga iyi panhare ndokutsinhira nyaya yekuti vakaenda pamusha paMakore vachida kuvabatsira kuti vawane musoro wemwana wavo.

“Mweya waTapiwa uri kusvika kuna Mbuya Mamoyo uchitaura kune musoro wake. Mumhuri iyi mune vanhu vari kutsipika mwana uyu nembanda vachishandisa n’anga. Zvinoda kuti vabviswe rima, musoro wemwana uyu uwanikwe. Dambudziko ravapo tave mumwedzi waMbudzi saka hatiite matare, totomirira kupera kwemwedzi tiite kuti musoro uyu uwanikwe,” anodaro Chaparadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey