‘ECD ndiyo hwaro hwedzidzo’

29 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
‘ECD ndiyo hwaro hwedzidzo’ Nyemudzai Kakore

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

DZIDZO yeEarly Childhood Development (ECD) yakakosha zvikuru mubudiriro yeZimbabwe uye kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveSustainable Development Goal nhamba 4 neVision 2030.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano reZimbabwe Network of Early Childhood Development Actors (ZINECDA) rakabatana nemamwe akadai seFarming Community Education Trust (FACET), Education Coalition of Zimbabwe (ECOZI) nenhengo dzedare reParamende nguva pfupi yadarika muHarare.

Vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, Cde Ophias Murambiwa vanova sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvedzidzo, vanoti ECD ndiyo hwaro hwedzidzo.

“Kutsigirwa kwedzidzo yevana kunobatsira mubudiriro yenyika. Tinodzinga nzara munyika kuburikidza nedzidzo yevana inotangira kuhwaro hwepasi-pasi hweECD. Dzidzo ikodzero yemwana uye Hurumende inofanira kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvekuwanisa vana dzidzo yemhando yepamusoro.

“Varairidzi veECD vakakosha nekuti ndiko kune basa guru uye kune zvakawanda zvinodiwa kuti mwana azokwanisa kugona kuverenga nekunyora. Kana mwana achinge angosaririra kuhwaro hweECD, zvinogona kurema kuti azoenda kune mamwe magwaro edzidzo ekumberi nokudaro mupanda weECD wakakosha mudzidzo yemwana wese zvisinei nekuti vazhinji vanoutorera pasi,” vanodaro.

Cde Murambiwa vanoti dzidzo yeECD A inofanira kutsigirwa zvakasimba kusvika kudanho reFomu 4 kuti nyika izadzikise zvinangwa zvebudiriro zvegore ra2030.

VaNaison Bhunu vanova national coordinator kusangano reZINECDA vanoti munyika munoda kuvakwa zvikoro zvakawanda kuitira kuti vana vasanetseka nekufamba nzendo refu.

“Tinofanira kufambirana nezvakabvumiranwa pamusangano wenyika dzepasi rose we2022 Tashkent Declaration uri maringe nekugadzirisa zvinhu zvine chekuita nekuenzaniswa kwemikana munyaya dzedzidzo. Imhosva huru inoendesa kujeri kuvabereki vanorambidza vana kuti vaende kuchikoro.

“Tinotenda Hurumende nechirongwa cheBEAM icho chiri kubatsira mhuri dzinonetseka kuti mwana wose ange achiwana kodzero yake yedzidzo asi tinoda kuti paitwe ongororo yakasimba maringe nemashandisirwo ari kuitwa mari dzeBEAM, kusanganisisa homwe yedzidzo kuitira kupedza nyaya dzehuwori. Homwe yeBEAM ngaibatsire vana chaivo vanotambura,” vanodaro.

Respect Tsvanhu, uyo anova murongi kusangano reFACET, anoti homwe yebhajeti reECD inofanira kuwedzerwa nechikamu che5 percent kuti ifambirane nezvinodiwa mudzidzo iyi.

Respect Tsvanhu

“Vamwe vana vekumaruwa nekumapurazi, kusanganisira mumaguta, havasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya kwevabereki. Tine zvekare vana vari kubarwa nevamwe vana vari kurasikirwa nedzidzo nekuti vabereki vavo havashandi uye vakatosiirawo dzidzo panzira nekuda kwekumitiswa. Pakadai tinoti kudai Hurumende yasendeka parutivi mari yakamirira kubatsira vana vari mumupanda uyu, zvikuru sei kuburikidza nekuwedzera bhajeti yedzidzo yeECD,” anodaro.

Anoti kana vana vakarasikirwa nedzidzo, vanopedzisira vava marombe anopara mhosva dzakadai sehumbavha, kutora zvinodhaka nekumitisana pachavo, pakati pehumwe huipi kunodzikisira budiriro yenyika.

Revernd Taylor Nyanhete, vanova national director wesangano reZimbabwe National Council for Welfare of Children (ZNWC), vanotenda Hurumende nekuwedzera kwairi kuita homwe yedzidzo vachiti zvichaita kuti vana vazhinji vange vachiwana dzidzo inova iyo hwaro hweupenyu.

Rev. Nyanhete

“Hurumende tinoitenda zvikuru nekuti iri kuona kuti varairidzi vakawanda muzvikoro nekuti iri kuramba ichidzidzisa varairidzi veECD, vemitauro yemasaini nekuvaka zvikoro kuti vana vasafunda vakatsvikinyidzirana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey