Uncategorized

‘EMA mune basa’

06 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
‘EMA mune basa’ VaMunesu Munodawafa

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

MUNYORI mukuru kubazi rezvenharaunda nekushanyirwa kwenyika, VaMunesu Munodawafa, vanoti bazi ravo riri kushanda pamwe chete neveEnvironmental Management Agency (EMA) mukuunza zvirongwa zvinoderedza matambudziko ane chekuita nekushanduka kwemamiriro ekunze.

VaMunodawafa vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera apo bazi ravo raiparura chirongwa cheAdaptation Fund National Implementing Entity (NIE).

Vanoti sangano reEMA rine basa guru kuti zvirongwa zvekuderedza matambudziko ane chekuita nekushanduka kwemamiriro ekunze zvifambe zvakanaka.

“Ndinofara chaizvo nekuti chiitiko ichi chabatanidza masangano akasiyana-siyana kusanganisira United Nations, masangano akazvimirira, makambani, vatungamiriri venharaunda nevamwe.

Masangano aya, pamwechete neveruzhinji vari kuona kukanganisika kuri kuita magariro evanhu nenyaya yemamiriro ekunze uye vanofanira kuona zvekuita mukuderedza matambudziko aya,” vanodaro.

VaMunodawafa vanoti bazi ravo rinofara nekunyoreswa kwakaitwa neEMA kupinda muchirongwa chekubatsirwa nehomwe yeAdaptation Fund.

Homwe iyi inopa EMA mukana wekuti iwane mari kumasangano epasi rose yakanangana nekuvandudza zvirongwa zvekuderedza matambudziko anokonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

Kuburikidza neAdaptation Fund, EMA inokwanisa kuwana mari inosvika US$5 miriyoni kuti nyika ikwanise kuita zvirongwa zvakanangana nekuderedza matambudziko anokonzerwa neshanduko yemamiriro ekunze.

“Zimbabwe yava nemukana wekuwana mari iyi pasina kumirirwa nedzimwe nyika. Izvi zvaiita kuti mari iyi inonoke kuuya uye kuti iuye muzvidimbu.

“Zimbabwe, sedzimwe nyika, iri kusangana nematambudziko akasiyana – nzara, mvura ine dutumupengo (cyclone) nemamwe mamiriro ekunze asina kunaka kuupenyu hwevanhu nemhuka. Zvose izvi zvinokanganisa magariro evanhu, kuparadza zvivakwa, nekurasikirwa kweupenyu,” vanodaro.

VaMunodawafa vanoti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekupedza matambudziko anokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze sezvo ramangwana risingazivikanwi kuti rakamira sei munyaya dzeshanduko iyi.

Vanoti vanhu vanorarama nemvura, chikafu, kurima uye nharaunda dzakachena nekudaro bazi ravo richaramba richitsigira EMA mukutsvaga nzira dzekupedza matambudziko anokonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey