Uncategorized

Endai munozorora: zanu-pf

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Endai munozorora: zanu-pf

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
BATO riri kutonga reZanu-PF rinogashira kusiya basa semutungamiri wenyika kwaCde Robert Mugabe nemusi weChipiri wadarika mushure mekutungamirira Zimbabwe kwemakore 37.

Mutauriri weZanu-PF, Cde Simon Khaya Moyo vanoti Cde Mugabe — avo vanga vari President uye munyori mukuru webato iri – ngavachizorora zvavo.

Asi vanoti vanhu veZimbabwe vanofanirwawo kuyeuka mabasa eaimbova mutungamiri wenyika uyu – Zimbabwe isati yawana kuzvitonga kuzere neapo yainge yasununguka.

“Kusiya basa semutungamiri wenyika kwaitwa naCde Mugabe nhasi (Chipiri 21 Mbudzi 2017) chinhu chatinogashira,” vanodaro Cde Khaya Moyo.

Cde Khaya Moyo vanotsutsumwa nedanho range ratorwa naCde Mugabe “rekunwa nekutandadzana nemakuruku”.

“Vanoda kuzorora, ndinovimba vanhu veZimbabwe vari kubvumirana nedanho iri. Iye zvino yava nguva yekusimbaradza kubatana, runyararo nebudiriro yevana veZimbabwe.

“Ramangwana renyika ino riri mumawoko evanhu, naizvozvo zvishuwo zvavo zvinoda kuzadzikiswa. Tinoshuwira Cde Mugabe remangwana rakanaka,” vanodaro Cde Khaya Moyo.

Zvakadai, dare reZanu-PF Central Committee svondo rapera rakasarudza vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Cde Emmerson Mnangagwa, semutungamiriri mutsva webato iri pamwe nenyika yeZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey