Gadziriro dzenetball dzotanga

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MANEJA wechikwata chenetball chenyika cheTeam Zimbabwe icho chichakwikwidza kumitambo yeAfrican Union Sports Development Region V Youth Games kuBulawayo nguva inotevera, Virginia Mutanda, anoti vatambi vavo havana zororo gore rino sezvo vanotarisirwa kupinda mukembi apo vachapedza kunyora bvunzo dzavo dzeO neA-Level.

Vatambi vezvikwata zvemitambo mizhinji izvo zvichakwikwidzwa kumutambo uyu, vana vanodzidza kuzvikoro zvakasiyana uye gadziriro dzavo dzinogona kutanga nguva pfupi iri kutevera. Chikwata chevasikana chinotarisirwa kupinda mukembi kutanga musi waMbudzi 21 apo vatambi vazhinji vanenge vapedza kunyora bvunzo.

Mutanda svondo rino akazivisa kuti chikwata chavo hachisisina nguva yekutambisa sezvo mutambo weZone V uyu wave kuswedera saka vatambi vavo vachingopedza kunyora bvunzo vachavatora vopinda navo mukembi paMalbereign Girls High muHarare.

Chikwata chenetball chakapedzisira kusangana muna Nyamavhuvhu apo chakakwikwidza kumutambo wemaYouth Games kuMasvingo uko chakahwina mitambo yacho yese.

“Tiri kumhanya-mhanya kuvarongera mitambo yakawanda nemakirabhu nekuti tinoda kuti vagohwine kumitambo yeZone V Youth Games. “Tinoziva hedu kuti vana zvimwe vachashaya nguva yekuzorora asi isu tinozviona zvakanaka sezvo mwana achifanirwa kupinda mune zvemitambo izvo zvinomubatsira kumuvaka muhupenyu hwake,” akadaro Mutanda.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey