Uncategorized

GONAN’OMBE RINOPUTWA NEVAKADZI VAKURA BEDZI

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
GONAN’OMBE RINOPUTWA NEVAKADZI VAKURA BEDZI

Kwayedza

KUBVA pasichigare, vanhukadzi vechikuru vechiTonga, kudunhu reBinga, kuMatebeleland North, vanoputa fodya inosanganiswa nemhunga iyo inoiswa mumukombe unenge wakaboorwa uine mvura mukati.

Kuputa gonamombe (gonan’ombe) itsika yakagara ichitevedzwa kudunhu iri uye izvi zvinonzi zvinopa vanhukadzi ava chiremerera chikuru.

Mbuya Emily Muleya (90) vemubhuku raChifodho, kwaMambo Nausengwa, mumwe wevanoputa gonamombe.

Kwayedza nguva yadarika yakashanyira mbuya ava ikavawana vachikweva fodya vakadekara havo.

Vanoti kuputa gonan’ombe kunoita kuti vadzikamise pfungwa semunhu mukuru, izvo zvinoita kuti vakwanise kufunga zvakadzama.

“Fodya yandinoputa iyi yakangofanana nekuputa fodya iri muchikwepa sezvinoitwa nevanhurume. Asi ini ndichikura, tiri vasikana, taiona vanaamai vedu nanambuya vachiputa fodya iyi zvaibva zvaonekwa nekure kuti mbuya nhingi avo.

“Umu munenge muine fodya nemhunga zvakasangana nemvura. Unonakirwa pakuiputa,” vanodaro.

Mbuya Muleya vanoti fodya iyi inoputwa nevanhukadzi vechikuru bedzi apo vanhurume veko vanoputa yechimonera, chikwepa kana midzanga.

“Vakadzi vechidiki kana vachiiputa vanotoita zvekubiridzira nekuti hazvibvumidzwe. Ini handingazive zvangu kuti zvakatanga sei kunze kwekuti madzimai makuru ndiwo anoiputa chete,” vanodaro.

Vobvunzwa nezvekuti kune vamwe vanoisa mbanje mugonamombe, Mbuya Muleya vakatsenga-tsenga mukanwa vachiti kana kuine vanozviita, uku kutsaudzira chivanhu chavo.

“Hamheno kana kuine vanosanganisa nembanje ndivo, asi ini ndinoputa iri fodya ine mvura nemhunga chete.

“Kuti mhunga nemvura zvinoisirwei mugonamombe, ini handizive kuti zvakatanga sei,” vanodaro.

Mambo Binga, VaGaster Siateya, vanoti maTonga vanhu vakapfuma zvikuru panyaya dzechivanhu icho vanoramba vachichengetedza.

“Kuputwa kwefodya nemadzimai iri mugonan’ombe itsika dzedu kuno, dzatinodada nadzo. Uku kupa chiremerera kumachembere edu. Tikavaona vachiputa fodya iyi, tinobva taziva kuti chivanhu chedu chiri kutevedzwa,” vanodaro mambo ava.

Vanoramba nyaya yekuti kune vamwe vanosanganisa fodya iyi nembanje, vachiti kana paine vanoita izvi, kutsaudzira.

“Pose panoitwa chinhu, kunotowanikwa nhubu. Hatingazvirambe, asi tsika dzedu hadzidaro,” vanodaro Mambo Binga.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaFelix Siachembe (38) vemubhuku raBulawayo, ikoko, vachiti fodya yemugonamombe inoputwa nemadzimai echikuru chete, kunyanya chembere.

“Kuputa fodya yemumukombe kunopa ruremekedzo rukuru kumadzimai. Kana ukaona ambuya vachiputa fodya iyi, ruremekedzo rwako rwunokura kudarika zvawanga uchaita dai wavawana vasina fodya iyi,” vanodaro VaSiachembe.

Murume uyu ndimazvikokota zvakare munyaya dzekuongorora tsika dzechivanhu kudunhu reMatebeleland North.

Vanoti machembere anenge achiputa fodya yemhando iyi anowanikwa akaita rundaza apo panenge pachiitwa doro remashavi nemidzimu vakaiswa pamberi sezvo vakawanda vavo vanenge vaguma ura, zvinoreva kuti vanenge vasisatevere kana kubereka vana.

“Handizive zvangu kuti machembere anoputa fodya iyi vanenge vakura zvakadii. Asi ndivo vanotungamidzwa mumabasa echivanhu akaita semapira, pamberi pavo paine harahwa dzechirume nemasvikiro kana kuti mhondoro dzematunhu,” vanodaro.

VaSiachembe vanoti kune chivanhu chinoitwa, apo pasingadiwe varume vechidiki vachiri kufarira madzimai uyewo nemadzimai echidiki achiri kutevera, apo panodiwa harahwa nechembere chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey