Uncategorized

Gringo akatangira muKwayedza

12 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
Gringo akatangira muKwayedza

Kwayedza

Abel Ndooka

ENOCK Chihombori — uyo anova shasha yekunyora mitambo yemadhirama, mafirimu nemabhuku — anoti zita remadunhurirwa rekuti Gringo iro raishandiswa neshamwari yake mushakabvu Lazarus “Gringo” Boora rakabva mukatuni yaiburitswa mubepanhau reKwayedza.

Gringo akashaika muHarare nemusi weMuvhuro mushure mekurwara kwenguva refu uye anotarisirwa kuvigwa neChina chino kumusha kwake kwaRukweza, kwaRusape.

Muhurukuro neKwayedza zvichitevera rufu rwaBoora, Chihombori — uyo ave kugara kuSouth Africa — anoti Gringo akatanga iri katuni yaibuda muKwayedza mugore ra1989 apo iye (Chihombori) aienda kuchikoro.

Mavambo aGringo

Anoti mugore ra1994, akakurudzirwa kuti agadzire bhuku remakatuni aGringo izvo akaita.

Asi anoti aida chaizvo kugadzira riri dhirama izvo zvaakazokwanisika mugore ra1998 pavakabura dhirama Gringo rekutanga iro rakaita mukurumbira.

“Gringo akatanga ari makatuni eny’ambo aibuda mubepanhau reKwayedza ayo ndaidhirowa ndega panguva yandaienda kuchikoro.

“Chokwadi chandinoda kuti vanhu vazive ndechekuti ini naGringo takazozivana kubva 1995 uye makatuni aya akange atoveko kare. Asi patakazoita dhirama Gringo, vanhu vachitarisa makatuni aye zvange zvakafanana chaizvo zvekuti vamwe vakatofunga kuti kubva kare ndaidhirowa Lazarus asi handizvo wena,” anodaro Chihombori.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey