Uncategorized

GUVA RAKAFUKUNURWA

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
GUVA RAKAFUKUNURWA Guva rakafukunurwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
GUVA remurume aimbova mutori wenhau rinonzi rakafukunurwa kumarinda eWarren Hills, muguta reHarare, svondo rapera uye hazvisati zvazivikanwa kuti mutumbi wake uchirimo here.

Guva rakafukunurwa iri nderaBeaven Chiwenyika — uyo aigara pahamba 4147 mumusha weGlenarah Phase 4.

Vemhuri yemushakabvu vanoti havasati vamhan’ara nyaya iyi asi mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya dzakadai dzinofanirwa kumhan’arwa nekukasika.

“Nyaya dzekufukunurwa kwemakuva ihombe uye dzinofanirwa kumhan’arwa kumapurisa nenguva kwete kudzinyarara. Dzimwe nguva mutumbi uyu wakatotorwa, saka tinokurudzira mhuri iyi kuti imhan’are kuitira kuti nyaya iyi iferefetwe,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Chiwenyika anonzi akangofa pasina kurwara uye guva rake rakafukunurwa nemusi weMugovera wadarika.

Francisca Chiwenyika (52) anova mudzimai wemufi anoti setsika dzechivanhu, vakaviga mushakabvu ndokuzodzokera kunoona guva iri rechimangwana racho apo vakawana racherwa.

“Takawana guva iri rakacherwa kudzika pasi chaipo. Paiva netsoka dzevanhu uye pakashandiswa foshoro pakuchera kwacho. Chinangwa chevanhu vakaita izvi hatichizive, zvekare hatichaziva kuti mutumbi uyu uchirimo here kana kuti wakatotorwa,” vanodaro Mai Chiwenyika.

Mai Chiwenyika vanoenderera mberi vachiti, “Maruva atainge taisa mukati meguva nemamwe aiva pamusoro takawana arasirwa kurutivi.

“Nyaya iyi hatina kuimhan’ara kumapurisa sezvo taida kutanga tambofamba kuchivanhu nekumaporofita. Kwatakaenda takaudzwa kuti aya mabasa evavengi avo vanonzi ndivo vakakonzera rufu rwemurume wangu. Vakamunwisa muchetura sezvo asina kuzombogona kutaura uye murume wangu haana kurwara.”

Dambudziko rekuzofa kwemurume uyu rinonzi rakatanga apo akarara asipo, vemhuri yake ndokumutsvaga vachitadza kuziva kuti aivepi.

“Ini sezvo ndaisavapo, vana vakatsvaga baba ndokuzovawana vari muchitangwena chepamwe pamba muno apo panobikwa kachasu. Vainzi vakanwa doro risingabvumidzwe iri ndokutadza kufamba kusvikira vazodhonzerwa muchitangwena chiripo apo vakarara husiku hwose vachitonhorwa. Vakatorwa ndokuzoendeswa kukiriniki vakazodarikidzwa kuchipatara cheSally Mugabe uko kwavakanofira,” vanodaro Mai Chiwenyika.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti murume uyu akafa nekurohwa nevanhu sezvo aiva akazvimba padumbu nenzeve aine maronda pamupimbira.

“Fungai kuti murume wofa pasina kurwara, guva rake rofukunurwa, panotyisa ipapo. Ndasiiwa ndiine vana vatanhatu, mukuru ane makore 26 okuberekwa. Chinondishamisa ndechekuti vanhu vekumba kwakanotorwa murume wangu uko ainzi ainwa kachasu havana kana kuuya kunhamo,” vanodaro Mai Chiwenyika.

Chinoshamisawo ndechekuti vemhuri yemushakabvu havana kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa kana dai zvazvo vachiti aive nemavanga uye akazvimba.

Pane mashoko anoti doro rekachasu repamba pakawanikwa murume uyu rinobikwa nemabhatiri kuitira kuti ridhake zvakanyanya vanorinwa.

“Pakaongororwa mutumbi wemurume wangu nemachiremba wakaonekwa kuti pfungwa dzake dzaiva dzakakuvadzwa uyewo itsvo dzisisashanda zvakanaka zvinofungirwa kuti akanwiswa muchetura,” vanodaro Mai Chiwenyika.

Vanoti murume wavo aimbova mutori wenhau kumapepanhau akasiyana munyika muno kusvikira azosiya basa ava kuzviitira.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme vanoti havasati vave neruzivo pamusoro peguva rinonzi rakafukunurwa iri.

“Hatina nyaya yakadaro yakasvika kumahofisi edu, regai tigoona mamiriro azvakaita. Nyaya dzakadai dzinoda kukurumidza kuonekwa kuti chii chakaitika,” vanodaro VaChideme.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey