Uncategorized

‘Handirambwe nemukadzi ini’

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
‘Handirambwe nemukadzi ini’

Kwayedza

 ‘Vangu madzimai ndinopfuhwira’

IMWE n’anga yekuChipinge inoti kana pari pamishonga yekupfuhwira – zvose vakadzi nevarume – iyo ishasha zvekuti anoshandisa miti yayo, “zvinotoita bedzi”.N’anga iyi inoti yashandira vanhu vakawanda zvikuru, avo vamwe vacho vave murudo rwunotsviriridza mushure mekunge vadya miti yayo.

Sekuru Tauzeni Mujaji (86), vagere mubhuku raMasireni, kwaGarahwaavo, asi vari chizvarwa chekuMozambique, vanoti haisi yose mipfuhwira yakaipa sezvinofungwa nevazhinji sezvo mimwe yacho ichitobatsira kuti rudo pakati pemukadzi nemurume rwusimbe.

Murume ane chipari chemadzimai 10 nevana vanodarika 100 uyu anoti wake mupfuhwira haukundikane.

“Rudo rwunotanga nekupfimbana rwowedzera kana kudzikira nezvatinoitirana mukudanana kwedu. Asi mupfuhwira haufanirwe kusara, ita murume mumwe chete mukadzi mumwe chete. Ndiyo sirogani (slogan) yerudo.

“Hazvina mhosva kuti muri murume nemudzimai kana kuti mukomana nemusikana. Kana kudanana chaiko kwekumabhawa, tinopa mupfuhwira nekuti iwe ukapfimba pfambi muchienda kunosasana mose, irworwo rudo,” vanodaro.

Vobvunzwa nekuda kwechipari chavo chemadzimai 10, Sekuru Mujaji vanoti vanoshandisira madzimai avo mupfuhwira kuti pasawane anovaramba.

“Hakuna mudzimai wandinopfimba anondiramba, wandadanana naye ndinotozomuramba ndini, kwete iye nekuti ini ndinoziva mhiko dzacho.”

Sekutu Mujaji vanoti vanobatsirawo vane matambudziko akaita sezvipotswa.

“Handipe zvidhoma kana zvikwambo kana kuisa runyoka muvanhu vanodanana senzira yekuisa ruzhowa. Hazvina mhosva kuti ndiri n’anga, pabasa rangu ndinotungamirirwa naJesu naBaba vari kudenga. Mwari vanondipa simba rekurotswa mishonga yekurapisa, saka handiite chakaipa kumunhu,” vanodaro.

Sekuru Mujaji vanotizve hazvina kunaka kushora mishonga yechivanhu iyo inonzi nevamwe inodyidzana nemweya yakaipa sezvo mimwe yacho iri iyo inogadziriswa mapiritsi anorapiswa muzvipatara.

“Vamwe vanoti mishonga yechivanhu kana kuti kurapa kwemachiremba echivanhu ndezvaSatani vachiti unofanira kuenda kuchipatara kana kukiriniki uchionekwa nemadhokotera nevakoti, ndizvo zvakaropafadzwa. Izvi handizvo, mishonga yatinoshandisa mimwe chete,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinoshandiswa kuchera mishonga kumasango tonzi iendesei kumayunivhesiti kuti inoongororwa tichinzi dzimwe nguva munozoshandisa mishonga inouraya.

“Zvadaro, unozonzwa kuti mishonga yedu iya yagadziriswa mamwe mapiritsi anorapa chirwere chakati. Saka zvatinoitwa hazvina kusiyana nekunzi siyai mazita emadzitateguru enyu ekuti vana Mujaji nevamwe kureva kuti munenge musisina surname,” vanodaro Sekuru Mujaji.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey