‘Handisi mupurisa ini, ndinodaidzira mabhero’

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
‘Handisi mupurisa ini, ndinodaidzira mabhero’

Kwayedza

Sandy Musungata
MUKADZI wekumhan’arira murume wake, uyo waaifungira kuti mupurisa, nenyaya yemendenenzi akagurwa kunorira apo akanzwa kuti anotovawo munhu zvake anorarama nekushambadza mbatya dzemabhero kumusika weMupedzanhamo, kuMbare. Irene Nhare akaendesa Collen Mubvumbi kudare reHarare Civil Court achida $400 yekuchengeta vana vavo vaviri.

“Changamire, ndinoda kuti murume uyu apote achibvisa $400 kuti ndigokwanisa kuriritira vana vake nekuti iye oga sababa haasi kukwanisa kundipa mari.

“Ndinoziva kuti anokwanisa kundipa mari iyi nekuti mupurisa uye anoita bhizimusi rekuhodhesa hembe dzemabhero zvekuti anobata mari svinu asi vana vake vachikwangwaya.

‘‘Iniwo ndinokwanisa kubvisa mari yerendi ndichibatsiridza nekuti ndinoziva kuti kuchengeta mwana ibasa revabereki vose,” akadaro Nhare.
Mubvumbi akati anokwanisa kubvisa $40 chete pamwedzi ndokuramba kuti mupurisa.

“Ini ndingoriwo munhu zvakewo. Ndinoedza nepandinokwanisa kuraramisa mhuri asi amai ava havandinzwisise.
“Hupurisa hwangu ndehweyunifomu (neighbourhood) asi handibhadharwe, ndinongobatsiranawo nemapurisa kuchengetedza runyararo munzvimbo mandinogara.

“Nyaya yekuhodhesa mbatya ndeyemanyepo kana kuti kufungidzira asi zviripo ndezvekuti ndinoshambadza hembe kana kuti kudeedzera hembe kuti vanhu vauye vazotenge,” akadaro Mubvumbi.

Akati Nhare ainyepera dare kuti anobhadhara mari yerendi sezvo achigara kumba kwaamai vake pachena.
“Pavana vaviri vaanavo mumwe haaende kuchikoro handizive kuti mari yose iyi anoidii?”

Mutongi Ruth Kamangira akati vaviri vazodzoke mudare kuzonzwa mutongo wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey