‘Handisi shefu ini, nditori tsuro zvayo’

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
‘Handisi shefu ini, nditori tsuro zvayo’

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MURUME wekuendeswa kudare neaimbove mukadzi wake achiti anoda $600 yekuchengeta mwana wavo mumwe chete nekuti anowana mari yakawanda sezvo ari “director” weimwe kambani uye ari kanzura uye murimi mukuru, akaramba kuti anoita mabasa ose aya achiti anoshanda sagadhi.

Erita Chamunorwa akamhan’arira Kudzanai Madenga kuHarare Civil Court achida $600 yemendenenzi pamwedzi.
“Ndinoda mari yandareva nokuti iwe uri director pakambani yaunoshanda, uri councillor pamwe nemurimi mukuru. Unorima zvokutengesa iwe, ndinozviziva mari unayo,” akadaro Chamunorwa. Akati haakwanise kuchengeta mwana oga nekuti anorwara.

“Sokuziva kwako ndinorwara. Chiremba vakanditi ndisaite mabasa anorema saka ndinoda mari yemusikana webasa kuti andibatsire kuchengeta mwana wako,” akadaro Chamunorwa.

Madenga akaudza dare kuti haashande mabasa matatu sezvaitaurwa nemukadzi uyu uye anokwanisa kubvisa $60 pamwedzi.
“Iwe wati ndiri ani? Director inini? Nhai vedare ndizvo zvakaitawo directior wekambani here izvi? Director i’nickname’ yangu kubva kare.

Musaterera zviri kutaurwa nemukadzi uyu, ini ndiri ‘security guard’. Mabasa matatu awareva kuti ndiwo andinoita kunyepa chaiko,” akadaro Madenga.

“Saka uri kuda kuti ndiiwanepi mari yawareva ini ndiri tumbuwo zvangu. Ndinokwanisa kukupa $60 chete.”
Mutongi Barbra Mateko akati nyaya yavaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey