Hapana huroyi apa!

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views
Hapana huroyi apa!

Kwayedza

ZVIITIKO  zvenyika hapana anogona kuzvigadzirisa nekuti paunenge uchiti waedza kutaura zvinounza pundutso pakati pevanhu vari kufamba mumumvuri werima nekusaziva ndipo paunoona mikono mitatu yevarume ichizvirova zvipfuva kuti ndini murume wake wekutanga.

Ichi chiitiko chakaonekwa svondo rapera  paivigwa mumwe mudzimai wechidiki kuEpworth. Svondo rakapera ndakava mumwe wevanhu vaiva parufu rwemumwe mudzimai wechidiki akarwara kwesvondo mbiri nekuti vakapedza nguva vachifamba mumaporofita vachitsvaga honzeri yehurwere hwemwana wavo sezvo mupfungwa dzavo vaiti kuroyiwa. Nyangwe pandanyora chinyorwa chino vari kuti ropa rake ranga rakanaka asi kuti kuroiwa kwakonzera kuti anange kwamupfiganebwe.

Mudzimai wechidiki uyu akaenda kukiriniki yekuEpworth akatorwa ropa uye nekunzi auye nemakararwa ake.

Chaishamisa aimhanyira kutaura kuti ropa rake rakachena asina ambobvunza izvozvo.

Mazuva ano kana wakamboenda pakiriniki ukarapwa ukambofuratira nekuti unenge uchiti zvapfuura pazvinodzoka zvakare nyangwe ukanyepa kuti hauna kumbobvira wakarapwa pakiriniki iyoyo vanokubata chete nekuburikidza nemagwaro nenhoroondo yekurapwa kwako vanozviwana mumakombiyuta.

Mudzimai wechidiki uyu paakaenda nemakararwa ake akasvikobvunzwa rimwe kadhi ravakambomupa makore matatu apfuura ipapa ndipo pakatangira rushambwa rwese nekuti haana kuzombodzokera kukiriniki kuya akabva atorwa nasisi vake vakaenda kuDomboshava kwaakanonamatirwa asi mushure mekuona kuti hurwere hwakomba vakaenda kuchipatara cheMakumbe icho chakaona kuti zvirinani adzoke kuzvipatara zvemuHarare.

Musi weChitatu svondo rakapera, akatakurwa akaendeswa kuchipatara cheChitungwiza rechimangwana acho mwanasikana akati sarai.

Parufu rwake ndipo pakabuda chokwadi chemararamiro aitwa nemudzimai uyu apo varume vatatu vese vakasimuka vachiti mudzimai ndewangu.

Murume wekutanga akataura kuti ane mwana nemufi ane makore gumi uye vakasiyana nekuti ainge asingashande.

Wechipiri akatiwo vakasiyana mushure mekufirwa nemwana anga ane gore rekuberekwa kuchizopedzisira wechitatu akati ndiye ainge ave murume wake kusvika mukufa kwake uye vane kasvava vese.

Chakava chisionekwe mudzi webwe varume ava vachionekana nemufi.

“Famba zvakanaka Tendai mudzimai wangu,” akadaro wekutanga.

Wepiri: “Takasiyana nekuti mwana ainge afa asi taiwirirana, famba zvakanaka mudzimai wangu,” uyuwo murume wetatu ndiye akati: “Fambai zvakanaka Mai Tafadzwa utarire mwana.”

Tichitarisa kuti mudzimai uyu akafa aine makore 25 okuberekwa kuti akaita mwana wekutanga ane makore mangani uye newanano dzaakapinda unobva waona kuti mwanasikana akarumwa nechekuchera.

Baba vemufi ndivo vakazonyaradza mhere-mhere yainge yoitika pavarume vatatu ava.

“Ini handina mukuwasha kana akabvisa dhora pakati penyu ngaasimuke,” vakadaro baba vemufi.

Tikafamba kuenda kumakuva tinoona kuti zvikwangwari zviri pamakuva zvakanyorwa gore rekuberekwa remufi neremusi waafa tinoona kuti mazera iwaya ndiwo azadza makuva mazuva ano, kuti tingati vechidiki varere kumakuva uku hurwerewo zvawo here, kwete ndinoramba asi kuti kuchimbidza kumedza kutsenga vachada.

Musapedze nguva muchitsvaga huroyi muchisiya chiri kupfunya chisero muropa. Itai zvamunoudzwa kuchipatara kuti musarasikirwe nehupenyu maARV akauya kuzoderedza simba reutachiona hweHIV uye nekumirira nguva nekuzvibata ndiyo nzira chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey