Uncategorized

‘Hatichakwanisa kubhadhara mitero’

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Hatichakwanisa kubhadhara mitero’ Mbuya Eunice Mavhira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANHU vakwegura vekuEpworth vari kuchema-chema kuti dai Local Board yeko yavarerutsirawo kuti varegedze kubhadhara mitero yedzimba kana kuti vobvisa mari shoma.

“Iyi ndiyo imwe nhau yatafambira pano pamahofisi eLocal Board kuti tione vakuru vepano tivape zvichemo zvedu. Hatichakwanisa kubhadhara mitero nekuti mari yacho hakuna kwatinoiwana sezvamunoona kuti takwegura.

“Tinombotengesa pamusika asi hapana chinobuda, zvinhu zvava kudhura,” vanodaro Mbuya Eunice Mavhira (73) vekuOverspill.

Vanoti sevanhu vakwegura, vanoda kuti Hurumende – kuburikidza neEpworth Local Board – ivavakire dzimba dzakanaka.

“Sezvamunoona, dzimba dzatinogara muno zhinji dzacho zvitangwena chaizvo. Tinoda kuvakirwa dzimba dzakanaka nekuti ikodzero yedu. Rimwe dambudziko redu sechembere, kushaikwa kwemvura. Tinofamba kufamba nzendo refu tichitsvaga mvura pane kuti Local Board itiunzire mabhauza kudzimba. Tinodawo magumbeze nechikafu,” vanodaro.

Mbuya Regina Mangwanya (67) vekuWard 4 vanoti sevanhu vakwegura, havafanire kuramba vachitumirwa mapepa emitero.

“Kune mamwe makanzuru, vakatomira kutumira magwaro emba kuvakweguru vavo nekuti ndizvo zvinofambirana nemutemo asi kuno kuEpworth hazvisati zvasvika nemhaka yei? Senge ini, ndinochengeta nherera ina kumba kwangu saka ndinotoda rutsigiro rwemari kuti vana ivavo vawane kudya nekuenda kuchikoro,” vanodaro.

Mbuya Mary Marizani (65) vanotiwo vari kudhurirwa nezvipatara nechikafu.

“Toponera kupiko? Kurarama kudai inyasha nekuti tiri kuswera nenzara apa kana tikarwara zvipatara zvinoda mari zvisinei nekuti takura. Vazukuru havachaenda kuchikoro nekuti vazhinji inherera, chembere yakaita seni inowana kupi mari yechikoro?” vanodaro Mbuya Marizani.

Zvichakadai, Gardener Manene (37) anotiwo nzvimbo yeEpworth haina maindasitiri izvo zvinoita kuti vechidiki vazhinji vagumisire vava kuita mabasa ekuba, kudhakwa kana kuita mahwindi.

“Tinoda maindasitiri ari pedyo nesu nekuti tine nzvimbo dzakakura izvo zvinoita kuti vanhu vashandire pedyo zvichideredza nyaya dzekudhurirwa pakufamba uye zvinoderedzawo huwandu hwevanhu vanopinda muguta reHarare vachinotsvaga mabasa,” anodaro.

Anoti vazhinji vanoita mabasa ekukoma mapoto nekunhonga mapepa nemagaba vachitengesa.

Dr Wilton Mhanda, avo vanova Secretary weEpworth Local Board, vanoti nyaya yekuti vakwegura vamire kubhadhara mitero ichiri kutariswa.

“Nyaya iyoyo tichiri kuitarisa kuti tione kuti ndivanani vakakodzera kuregedza kubhadhara mitero yemba uye panenge pachida kuzoshanyirwa dzimba dzevanhu vacho pachiitwa ongororo. Hatisati hedu tazvipasisa asi inyaya yatiri kutozeya,” vanodaro.

Kanzuru yeChitungwiza yakatotora danho iri nechinangwa chekurerutsira vakwegura mumwedzi wa29 Zvita 2017. Hurumende yakaisa mutemo unoona kuti vanhu vose vakwegura vane makore 65 okuberekwa zvichikwira uye vana vane makore mashanu zvichidzika vasabhadhare apo vanorapwa muzvipatara zveHurumende.

Asi zvisinei nemutemo uyu, zvimwe zvipatara zvichiri kuvabhadharisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey