Hatina kutenga Mahachi: Chicken Inn

30 Jun, 2022 - 10:06 0 Views
Hatina kutenga Mahachi: Chicken Inn Kudakwashe Mahachi

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weChicken Inn — Joey “Mafero” Antipas — okurudzira Kudakwashe Mahachi kuti agadzirise nyaya dzake idzo dzakamumomotera uye ndokuti chikwata chake hachisi kutarisira kumutenga sezviri kutenderera pamadandemudande eSocial Media.

Mahachi akamiswa kutamba nhabvu nechikwata chake cheSupersport United chekuSouth Africa nekuda kwenyaya yaari kupomerwa yekunzi akapisa mwanakomana wake nemvura izvo zvakaona achikuvara kusvika pakudamburwa gumbo.

Nyaya iyi iri kumatare edzimhosva pamwe nedzimwe dzichiri kuferefetwa nemapurisa.

Mafero anoti Mahachi mutambi wepamusoro wekuti zvikwata zvakawanda zvinogona kumutenga, asi panguva ino anofanirwa kumbogadzirisa nyaya dziri kukanganisa hupenyu hwake.

“Isu hatisi kutarisira kutenga Kuda Mahachi sezviri kutaurwa nevanhu. Tinoyemura kuti mutambi ane tarenda guru zvekuti zvikwata zvakawanda zvinogona kumutenga. Asi, panguva ino ini ndinomukurudzira kuti ngaambogadzirise nyaya dzehupenyu hwake.

“Nyaya dzaakatarisana nadzo ihuru chaizvo saka ngaaise pfungwa dzake ikoko. Isu seChicken Inn hatisi kuda kumutenga,” anodaro Mafero.

Zvakadai, kubva patanga mitambo yePremier Soccer League mwaka uno, chikwata chaMafero ndicho chiri kutungamira apo mwaka wa2022 wave muchikamu chechipiri.

Joey Antipas

Mafero anoti chikwata chake chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura nekuda kwekuti chakasimba zvikuru izvo zvachiona chichitungamira palogo kwenguva refu.

Asi anoti zvakakosha kuti vatambi vake var[1]ambe vachitamba nhabvu yepamusoro uye vakazvininipisa sezvo rwendo rwePSL ruchiri rurefu.

“Tine chikwata chakasimba chiri kutamba zvinonwisa mvura saka zvakakosha kuti tirambe tichitamba nhabvu yepamusoro tiwane mukana wekuhwina mukombe wePSL. Ndinoziva kuti pachiri negomo guru rekukwira ratakatarisana naro asi tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba uye takaz vininipis a pamitambo inenge ichiuya,” anodaro Mafero.

Nemusi weMugovera svondo rino, Chicken Inn ichange iri pamusha panhandare yeLuveve apo ichasangana neFC Platinum mumutambo unotarisirwa kunge uchi[1]nakidza kukunda ngoma kurira.

Mumutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi, uyo wakatambirwa kuMandava, FC Platinum yakahwina 2-1. Svondo radarika, zvikwata zviviri izvi zvaive kwaMutare uko kwakaona Chicken Inn ichizvambura Cranborne Bullets 4-1 kuchiti FC Platinum yakakunda Tenax 2-0.

Mutambowazvo wesvondo rino uchange uchibuda paZTN Prime.

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, Harare City ichange iri pamusha apo ichasangana neCAPS United nemusi weMugovera, kuchiti DeMbare ichange iri pamusha zvakare ichatatsurana neTriangle United musi weSvondo rino.

KuBaobab Stadium kuchaona Ngezi Platinum ichisangana neHighlanders nemusi weSvondo unove mumwe yemitambo ichabuda pa ZTN Prime.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey