Hazard asendeka shangu

07 Dec, 2022 - 21:12 0 Views
Hazard asendeka shangu

Kwayedza

EDEN Hazard asendeka shangu dzekutambira nyika yake yeBelgium.

Mutambi uyu (31) akasarudza kusatambira nyika yake apo ichange ichirwira kuenda kumutambo we2024 European Championships uye ne2026 World Cup.

Zvichitevera kuburitswa kwakaita chikwata chake kuWorld Cup kuQatar, Hazard asiya mushure mekutambira nyika yake kwemakore 14 apo ave kutarisira kumutsiridza hupenyu hwake hwenhabvu kuReal Madrid.

“Nhasi ndavhura chimwe chikamu. Ndokutendai nerudo,” Hazard anonyora paInstagram.

“Ndokutendai nerutsigiro rwenyu. Ndinokutendai nenguva yemafaro atakave navo kubva gore ra2008.

“Nhasi ndasarudza kusiya kutambira nyika yangu. Chikwata chitsva chevechidiki chagadzirira. Ndichakusuwai zvikuru.”

Bepanhau rekuBelgium Het Laastest Nieuws rakanyora kuti Hazard akange akurukura nevamwe vaanotamba navo nhabvu kuti anoda kusiya kutambira nyika yake kubva pavakaburitswa kuWorld Cup neCroatia.

Mazuva matanhatu akatevera, Hazard haana kushandura pfungwa dzake sezvo akabva azivisa vanhu 27.2 miriyoni vanomutevera paInstagram.

Matambiro ake muchikwata cheBelgium ange adzikira izvo zvakaona mutambo waakapedzisira kutambira nyika yake kuWorld Cup achipinzwa kwatambwa maminitsi anodarika 87 wave kunopera.

Akatanga kutambira Belgium aine makore 17 okuberekwa mugore ra2008 apo vakatamba neLuxembourg nemusi wa19 Mbudzi, 2008.

Mutambi uyu, uyo aimbove kuChelsea, akakwanisa kutambira nyika yake ka126, ndokunwisa ka33 uye achibatsira vamwe vatambi kunwisa ka36.

Hazard akatungamira Belgium ari kaputeni mumitambo 56. – SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey