HIV nemhirizhonga yemudzimba

14 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
HIV nemhirizhonga yemudzimba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rePan African Positive Women’s Coalition (PAPWC-ZIM) nguva pfupi yadarika rakaita musangano wekurwisa nyaya dzemhirizhonga kuvanhukadzi kuBulawayo uye zvakabuda pagungano iri kuti kusaenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume ndiko kumwe kuri kukonzera mhirizhonga sekushungurudzwa kwepabonde.

PAPWC-ZIM inotungamirirwa naMuzvare Tendai Westerhof vanove national director uye vaive pachirongwa ichi vanosanganisira vane hutachiona hweHIV, vakaremara, vanoita mabasa ekutengesa muviri, vatori nenhau nevechidiki vechikwata cheYoung Women Christian Association.
Vachitaura, Muzvare Westerhof vanoti nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dziri kuramba dzichiwanda munyika.

“Munyika dziri muAfrica, tinoona kuti kukwidziridzwa kwevanakomana munyaya dzedzidzo uye mumabasa kwakanyanya zvikuru kana zvichienzaniswa nevanasikana avo vari kusiira chikoro panzira. Kuroodzwa, pakati pezvimwe, kunodzikisira raramo yavo nekudaro kusaenzana kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi kunoita kuti vakadzi vakawanda vapone nerubatsiro rwunobva kuvarume semari, chikafu, pekugara nezvimwe zvinoita kuti vambunyikidzwe zviri nyore,” vanodaro.

Vanoti mhirizhonga inoita zvekare kuti huwandu hwechirwere cheHIV hurambe huchikwira uye vanokurudzira vanhukadzi kuti vabude pachena maringe nekumbunyikidzwa kwavo.

“Hazvibatsiri kuramba wakanyarara iwe uchimbuyikidzwa nekuti zvinokudya mwoyo nepfungwa pamwe nekukanganisa utano. Varume ndivo vanosarudza kazhinji nguva yavanenge vari kuda kuita bonde zvinoita kuti madzimai vasawane chavanotaura nekodzero dzavo dzebonde uye nyaya dzedziviriro izvo zviri kuita kuti HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde zvirambe zvichipararira munyika,” vanodaro.

Mudzimai wechidiki, uyo akabarwa aine hutachiona hweHIV asi akazoroorwa nemurume asina hutachiona uhwu – Patricia Limasi (25) – anoti atova nevana vaviri vasina hutachiona mushure mekutevedzera zvinodiwa nemachiremba pasi pechirongwa chePrevention of Mother to Child HIV Transmission (PMCT).

“Ini ndakatozoziva kuti ndine hutachiona hweHIV mugore ra2016 mushure mekunge ndaendeswa kuchipatara naambuya vangu apo ndaive munhu aingogara achirwara saka machiremba paakandiongorora ndipo pavakaona kuti ndainge ndiine HIV. Izvi zvakandirwadza zvikuru nekuti vabereki vangu vaindivanzira nezvechimiro changu kubva ndichibarwa zvisinei nekuti vaizviziva. Tiri kushandisa dziviriro yekondomu uye mishonga yePre-Exposure Prophylaxis (PREP),” anodaro.

Lumasi anoti pakutanga, murume wake haana kumubudira pachena nekukutya nyaya dzerusarura idzo dzainge dzakawanda kuvanhu vanorarama nehutachiona hweHIV panguva iyoyo.

Maud Chinembiri anoti akamanikidzirwa nevabereki vake kutizira mukomana waakaonekwa achifamba naye izvo zvakaita kuti atapurirwe HIV.
Anoti akazoziva nezveutano hwake mushure mekunge aenda kunonyoresa nhumbu kuchipatara.

“Vabereki vangu vakangondiona ndichifamba mumugwagwa nemukomana wandainge ndiri murudo naye vachibva vatonditakurisa mabhegi angu ndokunondisiya kumba kwevabereki vemukoma vachiti takuunzirai muroora wenyu. Handina kufara nazvo nekuti ndainge ndisina kugadzirira kutanga imba sezvo ndainge ndichiri kuenda kuchikoro uye ndisati ndamboita zvebonde muupenyu hwangu.

“Ndakagara nemukomana uyu kwemasvondo maviri pasina kuita bonde, kuchizoti svondo retatu, mukomana wangu akazoita bonde neni ava kungoti tatova murume nemudzimai sekutaura kwevabereki vangu. Bonde iri takariita pasina kunovhenekwa hutachiona hweHIV kana dziviriro kusvika ndazoziva kuti ndine hutachiona pakunonyoresa nhumbu,” anodaro.

Chinembiri anoti akaita mwana wekutanga nemurume wake asina utachiona asi vakatomborambana pamusaka penyaya dzekupomerana mhosva panhau yeHIV mushure mekunge yabuda.

“Vabereki vangu vakatanga kupomera murume wangu kuti ndiye akanditapurira HIV ukuwo hama dzemurume dzaitiwo ndini ndakauya nechirwere zvakaona wanano yangu ichiparara. Zvisinei, ndakazoramba ndichitaurirana nemurume wangu tikazodzokerana murudo tikaita mwana wedu musikana wechipiri uye vana vedu vese havana hutachiona hweHIV nekuda kwekuti ndakaramba ndichivapa mishonga yavo mushure mekuvazvara,” anodaro.

Chirongwa ichi chinofambirana nemhemberero dzeWorld AIDS Day idzo dzinoitwa musi wa1 Zvita gore negore senzira yekupa chenjedzo kune veruzhinji maringe neHIV, kurangarira vanhu vakashaya nekuda kwedenda iri uye kupa mikana kune vanoda kuziva pavamire nekurapwa kwevanenge vabatwa vaine HIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey