HIV/AIDS, vechidiki nekusarura

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

VANA vanozvarwa vaine utachiona hweHIV vari kukura zvekusvika pazera rekuroora kana kuroorwa, inova nguva inorwadza zvikuru apo vanopedzisira vave kubuda pachena maringe nezveutachiona hwavo sezvo vanenge vasina kugadzirira kuita izvi.

Kwayedza yakaita hurukuro nedzimwe mhandara dzakazvarwa dziine utachiona hweHIV idzo dzakapinda musangano mukuru wepasi rose wekurwisa zvirwere zvepabonde, weInternational Conference on AIDS and STIs in Africa (ICASA) uyo wakaitwa pakupera kwa2015 muHarare pakabuda zvikukutu.

Maureen Phiri (19), uyo anove nhengo yesangano reMalawi Family Planning Association, anoti akaziva kuti ari kurarama neutachiona hweHIV ave nemakore 12 ekuberekwa.

“Pandakange ndave nemakore 12 rimwe zuva takaenda kukirinika nemukoma wangu. Ndipo pandakaongororwa ndikaudzwa kuti ndakange ndine utachiona hweHIV. Handina kutya nekuti ndaive mudiki saka ndaingofunga kuti chirwere chinorapwa chichipera asi ndakapihwa mapiritsi andaipota ndichinwa zuva nezuva,” anodaro.

Nekukura, anoti akazotangisa kuziva kuti HIV chirwere chisingarapike asi kuti ukasha hweutachiona uhu ndihwo hunoderedzwa nemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARV).

“Dambudziko guru rakatanga pandakange ndiri kuchikoro nekuti ndakatangisa kushaya shamwari mushure mekunge ndabuda pachena. Chikonzero chakaita kuti ndibude pachena kune vamwe vadzidzi uye kumurairidzi inhau yekuti ndaigara ndichirwara saka ndaida kuti vazive kuti kana ndarovha kuchikoro ndinenge ndaenda kunorapwa.

“Vakomana vaiti kana vakandipfimba ndikataura kuti ndine HIV mangwana acho handaizoona vachidzoka zvakare kwandiri. Ndipo pandakaona kuti HIV ine rusarura rwakanyaya kupinda zvimwe zvirwere zvinofa zvaindishaisa mufaro.”

Musikana uyu anoti pamazuva aairwara ari kuchikoro, akave chiseko chikuru.

“Ndaiti ndikapedza kana mwedzi ndiri kumba nekurwara, paye pandizodzokera kuchikoro vamwe vadzidzi vaindisvereredza vachiti, ‘Takanzwa kuti wakafa, asi uri chipoko chinomuka kubva kuvafi?’ Saka zvaindibaya moyo zvichibva zvakonzera kudofora kwangu muzvidzidzo.

“Ndinorangarira pamwe pandakarwara ndikatadza kunyora bvunzo saka ndaive munhu aingodzokorora chikoro nguva nenguva,” anodaro Phiri.

Anoti nekuda kwemasangano evechidiki vanorarama neutachiona hweHIV, ayo aakave nhengo, akadzidza zvinhu zvakawanda zvinomupa tariro muupenyu.

“KuMalawi kwandinogara, tine masangano evechidiki akawanda anosanganisira randiri reFamily Planning Association of Malawi uko tinofundisana sevechidiki nzira dzekurera mhuri kuitira kuti pasamuka nyaya dzekuitisana pamuviri pasina kurongeka kana kutapurirana utachiona hweHIV. Tinopangana zvakare mazano anoita kuti tisapindwe nemweya wekuzviuraya asi kuti titambire zvatiri.”

Phiri anoenderera mberi achiti matambudziko avari kusangana nawo sevechidiki vari kurarama neutachiona hweHIV kushomeka kana kushaikwa kwezvipatara zvinobatsira vechidiki vakaita saiye.

“Kazhinji patinoenda kunotora mapiritsi edu, tinowanikwa takamira mumitsetse ine vanhu vakasiyana.

“Saka tinonyara nazvo kana kutosekwa nekuti vanenge vaine mibvunzo muhana mavo kuti akachiwana kupi chirwere mwana mudiki akadai. Havasi vose vane ruzivo rwekuti mwana anogona kuzvarwa aine utachiona hweHIV anokura kusvika kana kumakore 30 kana kudarika. Vanenge vachingofunga kuti pane chipfambi chakaitwa.

“Makirinika evechidiki vane utachiona hweHIV akakosha nekuti tinenge tichisangana nevamwe vezera redu saka hurumende dzinofanira kugadzirisa ipapo.”

Phiri anoti ari kutarisira kuzoroorwa nemukomana asina HIV achiti izvi zvinobatsira mukuderedza nyaya dzekuramba vachitapurirana utachiona uhu.

“Kana ndikange ndichinwa mishonga yangu yemaARV, mikana yekuti nditapurire mudikani wangu HIV mishoma kwazvo. Saka ndiri kutarisira kuroorwa nemunhu asina utachiona uhu.

“Ndakatodzidza kuti munhu anondida, anondida neHIV yangu anenge asingandide anokasika kuzviratidza nekuti ndiri munhu anobuda pachena mamiriro andiri,” anodaro.

Nalugo Sharifah (20) wekuUganda anotiwo akatapurirwa utachiona hweHIV naamai vake panguva yekuzvarwa.

“Ini ndakaziva kuti ndakange ndiri kurarama neutachiona hweHIV ndave nemakore 12 pandakaenda naamai vangu kunovhenekwa. Amai vangu vari kurarama neutachiona hweHIV uye vanoti ndakahutapurirwa panguva yavaindisununguka.

“Pakutanga vakange vasina kusununguka kundiudza nekuti pamoyo pavo vainzwa tsitsi nekutya kuti ndakatapurira mwana asina mhosva. Vakazondiudza rimwe zuva kuti ndizvo zvakaitika asi zvakavabata nekuti vaibva vatangisa kuchema,” anodaro.

Mai Martha Tholanah, avo vanova nhengo yeInternational Community of Women Living With HIV In Zimbabwe (CEDAS Trust), vanoti nyaya dzerusarura kuvanhu vari kurarama neHIV dzinofanira kupera kuburikidza nedzidziso yakadzama kune veruzhinji.

“HIV utachiona hunenge huri mumuviri memunhu uye haitapurirwe nekuti vanhu varara mumagudza mamwe chete, kudya mundiro imwe asi kuburikidza nekuita bonde risina kudzivirirwa nemunhu ane utachiona kana kushandisirana midziyo inobaya yakaita setsono nekupihwa ropa rine utachiona hweHIV.

“Rusarura harukodzeri nekuti rwunoita kuti tirambe tichidzokera kumashure munyaya dzekurwisa HIV kuvanhu vakuru uye vechidiki vari kuzvarwa,” vanodaro.

Vanoti nekuda kwekuwaniswa mishonga yemaARV, vana vazhinji vari kuzvarwa vaine utachiona hweHIV vari kukura zvakanaka vachitotangisawo mhuri dzavo asi chakakosha kuti vabude pachena kuvadikani vavo kuitira kuti pasazove nenyaya dzekutapurirana utachiona munhu achida nekuti imhosva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey