Uncategorized

Hunga: Hove inosanduka kuita nyoka

16 Dec, 2020 - 09:12 0 Views
Hunga: Hove inosanduka kuita nyoka

Kwayedza

Munyori weKwayedza

BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), rinoti hakuna munhu anotenderwa kubata kana kuuraya hove ingava yerudzi rwupi pasina kupihwa mvumo sezvo hove dzose dzichingetedzwa pasi pemutemo.

Mashoko aya anotevera kubatwa kwakaitwa zihove rerudzi rwehunga kana kuti mukunga uye – eel pachirungu – murwizi rwaMubvinzi, rwuri pakati peGoromonzi neShamva, iyo yakaonekwa neKwayedza svondo rapera ichitengeswa panzvimbo yeKariba mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuShamva.

Tapiwa Chirimuuta ndiye aitengesa hove iyi iyo yaive yakareba chipo chemita nechidimbu uye iine musoro unenge wenyoka nemaziziso.

Hove iyi inonzi yakabatwa nechirauro nemumwe wake, Munyaradzi Chidewu, murwizi Mubvinzi svondo rapera.

VaTinashe Farawo – avo vanova mutauriri weZimParks – vanoti imhosva munhu kuwanikwa achiuraya zvisikwa kana kuti mhuka dzinochengetedzwa pasi pemutemo.

VaFarawo

“Hove yerudzi rwehunga kana kuti eel iri muchikamu chehove dzinochengetedzwa nemutemo sedzimwe sezvo muno muZimbabwe hove dzose pasina dzatinoti ndedzemuno, asi kuti dzinobva kunze. Saka tinokurudzira vanhu kuti vachengetedze mhando dzehove dzose,” vanodaro VaFarawo.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndokusaka muchiona kunzvimbo dzakaita seKariba tichipa matsamba kuvanhu kuti vabate hove zviri pamutemo pane kuti vanongoita zvavanoda.”

 

Zvichakadai, kune mashoko anoti hunga ikasadamburwa musoro painobatwa wodzoserwa mumvura, inopanduka kuita nyoka.

Mukuru wesangano reZinatha – VaGeorge Kandiyero – vanoti, “Munhoroondo yechivanhu, hazvitadzike uye tinozvinzwa. Zvinonzi hove yehunga ikasadamburwa musoro ukadzoserwa mumvura, inopinduka kuita nyoka uyewo musoro wacho wakakandwa mumvura unonotungira mumwe muviri yoita nyoka hombe yemumvura, zvinhu zvatinonzwa izvi.”

Vamwe vanoti kana munhu akaraura hove iyi, ikakwanisa kunanzva dota kana pedyo nerwizi pakambotsva, ndipo painosanduka yoita nyoka

Hove yakaonekwa neKwayedza ichitengeswa mumugwagwa iyi yaive nemaziziso anototyisa, rurimi rwunenge rwemunhu, isina makwati asi ganda rinenge remuramba nebesu.

Vaverengi veKwayedza padandemutande rayo reFacebook neTwitter vanopa pfungwa dzakasiyana pamusoro pehunga mushure mekunge vashamiswa nekukura kwayo.

Vamwe vanoti haisi hove asi kuti inyoka, vamwe vachiti inongobatwa nemunhu ane mushonga weraki, kuchiti vamwewo vanoti ukaidya mushonga wemusana unoshanda zvikuru.

Vamwewo vanotoshamisika kuti muZimbabwe mune zviwanikwa zvinoyevedza sehove iyi vachida kuziva kuti Kwayedza yakaiona kupi.

 

. . . zvinofungwa nevaverengi

 

Malven Mugadzikwa 

VAVERENGI veKwayedza vanoratidza kufarira nekushamisika zvakanyanya nemifananidzo yehove yerudzi rwehunga iyo iri pamadandemutande rebepanhau iri anosanganisira Facebook neTwitter.

Mifananidzo iyi yakaiswa svondo rino mushure mekunge yatorwa nemupepeti weKwayedza Patrick Shamba hove yakabatwa nevamwe varume murwizi rwaMubvinzi iyi ichitengeswa panzvimbo yeKariba mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuShamva.

Pane mashoko akawanda anotaurwa pamusoro pehove iyi apo vamwe vanoti inofanirwa kugurwa musoro wokandwa mumvura kuti isapanduke kuita nyoka kana ichinge yabatwa. 

Vaverengi vanodarika 600 vataura zvakasiyana pamusoro pehove iyi uye zvimwe zvacho ndezvinotevera:

* * *

Gemmah RM Ziso anoti kugura musoro yaiva nzira yevanhu yekuvharidzira kuti vanzi havasi kudya nyoka asi hunga haisi hove.

* * *

Mutenha David Jnr Uchatibatira Nyaminyami nyika ikaita ngozi iwe. Dzosera vasharukwa avo mumvura.

* * *

Le Ginger Muz Inock Ndinotenda kuKwayedza nhasi magona . . . Ndokekutanga kuionawo mufunge.

* * *

Gladys Nhutu Murahwa Nyangwe ndichiida ndingatenga yakabatwa kudai here dai aicheka cheka mapiece yonanikwa oitengesa yakaoma zviri nani iyi ichatengwa nemaChina manje anomawanira kupi.

* * *

Fanie Fatso Hamsie Ndokuti usavi ka ndakatomboibata maDewure ndichakura sandi kunaka mhani.

* * *

Larry Gwati Hove iyo tichikura zvainzi inofanirwa kugurwa musoro wokandwa mumvura wotora mutumbi wacho wese handiziviwo hangu pamwe nzvimbo dzinosiyana.

* * * 

Memory Matsika Kana muchimbotenga hove yakaomeswa mu**** ***** (zita rechitoro) inenge irimo muchiti igwaya ndakamboitenga ndakairada futa racho haiboo iyi inyoka paigere zvayo.

* * *

Gin Maposa Saka kuigura musoro wokanda mumvura inozokura zvakare here/kumera?

* * *

Jullius Hamandishe Hove iyi yakaita kunge nyoka asi kwete zvakanyanya asi ine muviri unenge wenyoka zvayo munogona kunyatsozvitarisa.

* * *

Kudakwashe Kooks Kudzanga Mapostori chidyai henyu muramba hove yekumedza Jona yazowanikwa.

* * *

Arthur Junior Muvengwa Ini hangu ndikaibata hapamirike, chero zvekuredza zvacho zvoobva zvaperera ipapo.

* * *

Ngonidzaishe Munyengeterwa Yakangofanana nemuramba iyo (eel) kana (hake), ndikutoda pairi nditoidye, chese chinogadzira muto inyama.

* * *

Sekuru Tendai Ndakatokurirawo maOdzi tichibata hunga asi iyi kana ndiri kuda hove iiiiiiiiii ma1 darikai mushasha tingatotenga mutikiti, hakuna zvakadai.

* * *

Joanna Sikhosanah Juma Ummm regai ndizvidyire muriwo nembatatisi zvine utano nyoka iyo idyai mega.

* * *

Mtengwa Tamuka Julius Vese vari kuti handidyi iyo hove zvinoreva kuti hamudyi miramba . . . hove iyo inonzi Eel uye ine nyama seyemuramba . . . inonaka kana yaomeswa haumbozoiregi.

* * * 

I’m Jay Basira Nyati Yeah aifanira kudambura musoro oudzosera murwizi but zvaiitirwa kuti vanhu vasafunge kuti inyoka coz musoro wayo wakafanana nenyoka.

* * *

Donald Jaricha Chonaka chinhu icho fanika chikaomeswa, hachingode dzungu kumhanya kubika.

* * *

Dollyn Mafigu Hooo tatoizivirawo panapa. Asi ndofunga kuti kudambura musoro wodzosera mumvura kuitira kut vanhu vasafunge kuti inyoka kwete kuti inokura futi, akaiona ichikura futi ndiani?

* * *

Tinashe Makamure Ndohwa kuda kumboibata hove iyi, dzimwe dzose ndakambobata, ndiri kuhwa kuda kumboiburitsa ini ndomene, richasvika chete zuva racho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey