Uncategorized

Hunzenza kana kuti ishavi

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYANZVI munyaya dzezvetsika nechivanhu, VaJonathan “Sekuru Mupamombe” Shonhiwa (49), vekuChiredzi, vanoti kune mashavi anogona kubata munhukadzi akaroorwa kuti aite chipfambi kozoitawo nyaya dzekuda mari zvakanyanyisa. “Vamwe vanogona kunge vaine madzitete vakafa vasina kuroorwa saka mweya yavo yonobata pavanasikana vemumhuri, kumwe hakusi kuda kwavo,” vanodaro.

Vanoti dzimwewo nguva kana munhukadzi asina kubvisirwa pfuma, midzimu yake inotsamwa yomutevera ichinokonzera kuti aite zvechipfambi seshaisano nekuda kwekuti vabereki vake vanenge vasina chavakadya seroora. Vakataura mashoko aya zvichitevera nyaya yemudzimai wekuMhondoro uyo akatizira kuchikomba ndokupedza vhiki rose akavharirwa mumba yemuvakidzani kuitira kuti asawonekwe nemurume wake kana nehama dzekwaakaroorwa.

“Kusaroora chaiko, zvikuru kurega kubvisa mombe yehumai kana kusabvisa mbudzi yembwazukuru kana kuti yechiredzwa, kunokonzera matambudziko akadai. Kana mudzimai uyu akanga asisina vabereki akachengetwa naambuya nasekuru akarega kubvisa mbudzi yembwazukuru, anoita nzenza nekuda kweshungu dzevakamurera, zvikuru kana vakashaika. Imbwazukuru kana mombe yehumai hazvirehwe, zvinorwa zvoga,” vanodaro. Vanotizve kune chimwe chipfambi chinogona kukonzerwa nemashavi.

“Kazhinji mashavi ehuroyi anofambirana nechipfambi nekuti vakawanda vanoroya vanoita chipfambi saka vanhu vakadai vanotoda kushandirwa kuti zvibve.” Mashoko avo akatsinhirwa naSekuru Benson Musuweje (64) vekuMufakose, muHarare, vachiti chipfambi chinokozerwa nezvakasiyana.

“Madzimai ane varume ukaona vave kuita zvechipfambi kazhinji mashavi ekusada kugara nevarume. Anotoda kubviswa. Unotoona rikange rabata shavi iri munhu achitoita zvinonyadzisa vanhu vakatarisa. “Madzimai akadaro haagutswe, vanotoda varume vakawanda uye ndivo vaye vamunonzwa kuti vaparika varume ivo varume vachitobvuma kugara vose,” vanodaro Sekuru Musuweje.

Vanotiwo zvimwe zvacho kuroiwa nehama dzisingade kuona vana vevamwe vachiita dzimba.
“Imwewo nguva kana vakadzi vachiuya kuvarume havavinge sadza kana kupfeka, vanovinga varume. Kune vamwe varume vanoita zvekudhakwa vorega kugutsa madzimai avo, oguma ave kunotsvaga kugutswa nevamwe. Kune vamwe zvakare vasisina simba, vonyara kutaura matambudziko avo kuvakuru vopedzisira vave kushaisa madzimai mufaro mudzimba.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey