Uncategorized

‘Imhosva tezvara kushaura muroora’

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Imhosva tezvara kushaura muroora’ Chief Supt Paul Nyathi

Kwayedza

MUKURU wemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoti tsika yekuti tezvara ndivo vanotanga kushinha nemuroora anenge achangoroorwa mumusha yaiitwa kare nemamwe marudzi asi ndokuzopera nekufamba kwenguva uye pari zvino kuita izvi chipini chisingatenderwe.

Izvi zvinotevera nyaya yemumwe murume wekwaGutu, kuMasvingo, uyo ari kunzi nemuroora wake akamuti ndiye anofanirwa “kushaura”, mwanakomana ozotevera.

“Zvaimbovako kare kune mamwe marudzi, kuti tezvara vanoti ndivo vanofanirwa kutanga kushinha nevaroora pamusha, vanakomana vavo vozopindawo mubhedhuru nemadzimai avo baba vari ivo vatanga. Asi iye zvino hakuchina izvi.

“Isu semadzishe nemadzimambo tikazvinzwa vanhu ivavo tinovatonga tovaranga zvikuru uye vosungwa nemapurisa vachiendeswa kumajeri,” vanodaro Mambo Charumbira.

Vanokurudzira veruzhinji kuti kana chipini chakadai chichiri kuitika kumatunhu avo, vamhan’are kumadzishe kana kumapurisa.

“Tava kugara semhuka here? Tsika dzakadaro kutyora kodzero yemwanakomana aunza mudzimai wake pamusha pamwe chete nadzaiye muroora. Muroora anoziva sei kuti murume wangu ndinhingi, kana ivo vatezvara nemuroora vanozoregedzana here? Ko muroora akabata pamuviri natezvara ava mwana anonzi ndewani?” vanodaro mambo ava.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu nevemakereke, vachiti tsika iyi yakaipa zvikuru.

“Mazuva ano kune zvirwere zvepabonde, zvonzi vatezvara ndivo vanovarura muroora mwana wozoteverawo? Hamuone kuti itsika yakaipa zvikuru? Kana ichiriko vemapepanhau ngavazvifumure vanhu ava vasungwe,” vanodaro.

Mambo Nyamweda, vekuMhondoro, VaClaudious Mandaza, vanotiwo madzitezvara ane tsika yakadai vanofanirwa kubviswa mukati mevanhu vonogariswa kwavo voga kudurunhuru.

“Ruchiva chete rwaikonzera vanhu vaidaro ava, kuti muroora anotangwa natezvara. Kana variko vachiri kuita izvi, madzishe nemadzimambo eko ngavatore matanho akasimba uye kana vachinyarana votishevedza isu tovagadzirisa,” vanodaro.

Sekuru Elisha Mutanga, avo vanove chiremba wechivanhu vachishanda vari pasi pesangano reZinatha, vanoti hakuna tsika yakadaro uye pazvaiitwa kare zvaikonzerwa neruchiva rwemamwe madzitezvara.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti imhosva inosungisa kuti tezvara vanodanane nemuroora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey