Inzwa kunaka kunoita rupiza

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Inzwa kunaka kunoita rupiza

Kwayedza

RUPIZA, urwo rwunobikwa nenyemba dzakadzvurwa kana kukuiwa, kubva pasichigare rwunonzi kudya kunovaka muviri uye kune rwuomba.

VaPersuade Hungwe vemuHarare svondo rino vanotitsanangurira pamusoro pemabikirwo erupiza.

Chekutanga, tora komichi kana kuti kapu imwe chete yenyemba wodzikanga kusvika dzanyatsotsvukirira.

Itswa nyemba muduri dakara dzawota.

Fashaidza mvura muhari kana mupoto yakachena kwemaminitsi mashanu.

Dira nyemba muhari wobika nemoto uri pasi-pasi kuti dzisatsviririre kwemaminitsi makumi matatu.

WOZODINI?

Kana dzaibva, isa dovi woita zvekusika nemusika kuti dovi risangane.

Woshinyidza pamoto kana zvadai zvinenge zvaibva. Chibura hako unakirwe nerupiza!

CHEKUDYISA:

Rupiza rwunogona kudyiwa rwakadaro asi vamwe vanorwufarira nenyama yakagochwa zvichienderana nezvinodiwa nemunhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey